Accessibility links

Breaking News

Crisis In Zimbabwe Coalition Inoti Sarudzo dzeGore Rino Dzichaita Zvakare Mutauro


VaEmmerson Mnangangwa nasachigaro weZEC Justice Priscilla Chigumba of ZEC
VaEmmerson Mnangangwa nasachigaro weZEC Justice Priscilla Chigumba of ZEC

Masangano anoshanda akazvimirira anoti kusavandudzwa kwemitemo yesarudzo, kusajeka pamafambisirwe esarudzo pamwe nemitongo iri kupihwa nematare yekurambidza vamwe vanopikisa kupinda misarudzo zvinogona kuti veruzhinji vasatambire zvinobuda musarudzo dzegore rino.

Izvi masangano aya anoti zvinogona kunzonzera mhirizhonga munyika nekuurawa kwevanhu sezvakaitika musi wa1 Nyamavhuvhu 2018 apo veruzhinji vakaratidzira vachigunun’una nekunonoka kuzvisviswa kwezvainge zvabuda musarudzo mauto akapfura nekuuraya vanhu vatatu.

Mutauriri wesangano, reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti vanotyira kuti zvakaitika muna 2018 apo mauto akauraya vanhu vatanhatu zvigona kuitika zvakare nekuti hapana chashanduka pamaitirwo esarudzo.

VaMasaraure vati, " Tinotya kana mauto akaramba achipindira mune zvematomgerwa enyika kana pakaisaita kuwirirana pasurudzo tinotyira kuti vanhu vanogona kurasikirwa nehupenyu."

Masangano aya anoti hurumende yaifanira kuzadzikisa zvakakurudzirwa nekomisheni yaitungamirwa nevaive mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaKgalema Motlante yakaongorora zvakaitika pakapfurwa vanhu nemauto.

Zvimwe zvakakurudzirwa nekomisheni iyi ndezvekuti hurumende iise hwaro hwekuti nyika iite sarudzo dzakajeka , kuremekedza kodzero dzevanhu, kuranga mauto akauraya vanhu pamwe nekuona kuti mauto haapindire munyaya dzematongerwo enyika.

Mukuru wesangano reHeal Zimbabwe Trust, VaRashid Mahiya vati kusazadzikiswa kwezvekakurudzirwa zvinogona kukonzera bongozozo.

VaMahiya vati, "Nyaya yekuti mauto asiyane nenyaya yezvematongerwo enyika ndiyo yatinosimbisa."

Izvi zvatsinhirwa naBishop Ancelimo Magaya, vekereke yeZimbabwe Divine Destiny.

VaMaagaya vati, "Zvinhi izvi zvakaitika makore mashanu kukaurayiwa vanhu vaive zvavo mumugwagwa, nyaya iyi haina kupetwa uye zvakasagadziriswa mukana wekuti zvinogona kudzokorowa uripo"

Hama yemumwe akauraiwa nemusi wa1 Nyamavhvhu, VaGarvin Dean Charles, Damien, atiwo kusakumbira ruregerero kana kusaripwa kwavakaitwa nehurumende kunoratidza kusazvipira kuti munyika muve nerunyararo.

Asi munyori mubazi rezvemutemo, Amai Virginia Mabhiza, vanoti hurumende yakatotanga kuripa mhuri dzine hama dzakafa pamwe nekutevedza zvimwe zviga zvakatarwa nekomishen yaVaMonthlante. Vaudza Studio 7 kuti, "Ndingati tabatsira mhuri shanu nemari yechikoro nemari yechipatara uye takavabatsira kuti vaende kunowana rubatsiro kune mamwe mapazi ehurumende."

Asi vakafanobata chigaro chemukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum VaWilbert Mandinde vati havazive kuti ndiyani akaripwa nehurumende.

VaMahiya vati hurumende inofanira kuita nhaurirano nemapato anopikisa, masangano anoshanda akazvirira, nevedzisvondo kuti nyika iite sarudzo dzakachena vachiti kuda kumiswa kwenhengo dzeCCC gumi nembiri kuBulawayo uye vaive gurukota VaSaviour Kasukuwere kukwikwidza hakupe nyika chimiro chakanaka.

Mutauriri weCCC, Muzvare Fadzayi Mahere vati bato ravo rir kutora matanho ese avanokwanisa kuti vatsigiri vavo vasarudza vanhu vanoda.

"Tichashandisa mikana yese iripo pamutemo kuti tione kuti vamiriri vakasarudzwa nevanhu kuti vamiririre CCC vaenda paballot." Muzvare Mahere vaudza Studio 7.

Vakafanobata chigaro chemushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaFarai Marapirira, vati pakavaundudzwa mitemo yakawanda kubva zvaitika sarudzo dza2018 uye havatarisiri kuti pachaitika mhirizhonga. VaMarapira vati, "Mutungamiri wedu VaMnangagwa vari kutaura kuti ngaitiitei runyararo, ngativhotei murunyararo, tiine rudo, tichiziva kuti kusafunga zvimwe chete hakusi kuvengana. Vaenderera mberi vachiti, "Iri ndoshoko ratinotaura kune vanopikisa nemhuri yese yeZimbabwe."

Zvichakadai m, Zimbabwe Electoral Commission (ZEC) yaburitsa nzvimbo zviuru gumi nezviviri nemazana matatu nemakumi manomwe dzichavhoterwa pasurudzo dzemusi wa23 mwedzi uno.

Forum

​
XS
SM
MD
LG