Accessibility links

Breaking News

VaModi veZanu-PF Voendeswa kuDare Vachinzi Vakanonoka Kuendesa Mapepa eSarudzo


VaChris Mutsvangwa naVaTafadzwa Mugwadi
VaChris Mutsvangwa naVaTafadzwa Mugwadi

Mutevedzeri wegurukota rezvemaIndastiri uye vari nhengo yeparamende kuBulawayo South vari vebato reZanu-PF VaRaj Modi vaendeswa kumatare nhasi vachinzi havafanire kukwikwidza musarudzo dzedare reparamende musi wa 23 mwedzi uno.

Vanonzi vakaendesa mapepa kudare reNomination Court raikokerwa neZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC nguva yapera. Nyaya iyi yaendeswa kumatare naVaRaymond Dudzayi Gombedza vari kuti inofanira kunzwikwa nechimbi chimbi.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo dzinoti nyaya iyi haina kusiyana zvakanyanya neyenhengo dzebato rinopikisa reCCC dzakarambidzwa kukwikwidza nedare repamusoro asi dziri kukwikwidza mutongo uyu kudare repamusoro soro reSupreme Court.

Vamwe vaendeswa kumatare ndisachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba. Hatina kukwanisa kubate VaModi kuti tinzwe divi ravo sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG