Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuzadzikisa Zvakataurwa naVaMothlante Pakapfurwa Vanhu neMauto muHarare


Nhasi Zimbabwe yasvitsa makore mashanu kubva zvakapfurwa vanhu vatanhatu muguta reHarare nemauto mushure mekuratidzira kwevebato rinopikisa nekusafara kwavo nezvainge zvabuda musarudzo dza2018.

Vamwe vanhu vaizvifambira havo mudhorobha vakapfurwa nemasoja hurumende ikavimbisa kuvaripa mushure mekomisheni yakatungamirwa nevaive mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaKgalema Motlante.

Mauto anochengetedza mutungamiri wenyika ePresidential Guard achitungamirirwa naBrigadier-General Anselem Sanyatwe ndiwo akapfura vanhu.

VaSanyatwe vakatemerwa zvirango neAmerica vave mumiriri wenyika kuTanzania.

Hurumende inoti vainge vatumwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika uye vaive gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika VaConstantino Chiwenga vaive mukuru wemauto panguva iyi. Asi mubumbiro remitemo, mauto anotumwa mabasa akadai nemutungamiti wenyika chete.

Kubva zvakapetwa gwaro rekomisheni yaVaMothlante, hurumende yakaumba komiti yemakurukota kuona kuti vanhu varipwa nekugadzirisa zvimwe zcinounza hutongo hwejekerere asi kusvika parizvino vanorwira kodzero dzevanhu vanoti hapana chabuda.

Vakafanobata chigaro chemukuru wesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum VaWilbert Mandinde vaudza Studio 7 kutyi kunyangwe hurumende iri kuti yakaripa vanhu, vamwe vavari kumirira havana chavakawana.

Forum

XS
SM
MD
LG