Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti VaMnangagwa Vave Kupa Kuti Zimbabwe Iite Kunge Chimbwasungata cheRussia


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa naVaVladmir Putin
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa naVaVladmir Putin

Mutungamiri webato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change-CCC-VaNelson Chamisa vashora zvikuru mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nekutsigira Russia mukupamba Ukraine. Vachitaura pamusangano webato ravo wekutsvaga rutsigiro kuChinhoyi, Mashonaland West, VaChamisa vati, “Wakaenda ukati tinotsigira Russia, iwe nani, wakabvunza ani, mutungamiri wenyika ane nduramo haatsigire munhu, anotsigira runyararo, anotsigira kubatana, anotsigira kubudirira uye kubatanidza nyika”
Vatiwo, “Usave chimbwasungata, ive mutungamiri anoremekedza runyararo pasi rose”

Asi mutevedzeri wemushandi mukuru mubato reZanu PF VaFarai Marapira vati bato ravo hari kanganwe chazuro nehope . Vati, “Isu seZanu PF tinoremekedza nekuwirirana neRussia kuti tiwane kuzvitonga kwaita kuti ivo VaChamisa vakwanise kunge vari muChinhoyi vachitaura zvavanoda panguva yavanoda.”


Nezuro vachitsvaga rutsigiro kuNkayi, VaMnangagwa vakatiwo mutungamiri wenyika yeRussia VaVladimir Putin ishamwari yavo uye vakakurudzira kuti zvirango zvavakatemerwa vose neAmerica nedzimwe nyika zvibviswe. Kumusangano weRussia-Africa summit, VaMnangagwa avo vakapihwa chikopokopo nechibage naVaPutin vakatiwo vanotsigira kurwisa kwavari kuita Ukraine.

Vamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica vainge vari kumusangano uku vaikurudzira VaPutin kuti vamise hondone Ukraine uye kuti vabvumidze Ukraine kutengesa chibage kuAfrica sezvo kubuda kweRussia muchibvumirano ichi kwopa kuti chibage chidhure zvakanyanya.

Asi vachipawo pfungwa dzavo, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaMunjodzi Mutandiri vati zviri kuitwa nekutaurwa naVaMnangagwa pakudyidzana neRussia hazvina zvazvinobatsira nyika.

Mumwe wechidiki apinda musangano wanhasi Muzvare Abgail Jones vanoti vanetariro kuti mabasa achavepo VaChamisa vakasarudzwa kutungamira nyika.

“Ndanzwisisa kuti tinofanirwa kuve neshanduko munyika kuti nyika igadzirike kusanganisira kuvandudza dzidzo nekuwanisa vechidiki mabasa sezvo tatambura nenhamo” Muzvare Jones vaudza Studio 7.

Patabvunza VaChamisa kuti vachabuda musarudzo kana nhengo dzavo dzekuBulawayo dzikarambidzwa kukwikwidzwa musarudzo dzedare reparamende sezvakaturwa nedare repamusoro, vangopindura vachiti, “Tichataura zvedu pamberi zvinofanirwa kutaurwa asi parizvino tiri kugadzirira nekutaurira vanhu nezvesarudzo munhu wese achibvumirwa kukwikwidza kusanganisira VaSaviour Kasukuwere. Munhu wese ngaave nekodzero ye kupinda musarudzo”

Dare reSupreme Court riri kutarisirwa nemusi weChitatu kunzwa nyaya yekupikiswa kwemutongo wedare repamusoro pakurambidza nhengo dzeTripple C gumi nembiri kukwikwidza musarudzo kuBulawayo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG