Accessibility links

Breaking News

CCC Inoti Ichapikisa Kurambidzwa kweNhengo Dzayo Kukwikwidza muBulawayo


Muzvare Fadzayi Mahere CCC
Muzvare Fadzayi Mahere CCC

Dare reElectoral Court muBulawayo nhasi ramisa nhengo gumi nembiri dzebato rinopikisa reCitizens Coaliton for Change nedzimwe nhatu kubva kune mamwe mapato kukwikwidza musarudzo dzeparamende nechikonzero chekuti dzakaendesa magwaro adzo kudare reNomination Court musi wa21 mwedzi wapera nguva dzaidiwa kuti munhu ange aisa magwaro ake dza4pm dzarika.

Asi vachinyora padandemutande ravo reTwitter mutauriri weCCC, Advocate Fadzai Mahere, vati bato ravo richapikisa mutongo uyu vachiti vanhu vane kodzero yekusarudza vavanoda kuti vavamiririre mudare reparamende.

Mutongi wedare iri Justice Bongani Ndlovu pamutongo waturwa naJustice Nokuthula Moyo vange vakavamirira vati dare reNomination Court rakanganisa kutambira magwaro enhengo idzi musi wa21 na22 Chikumi nekudaro havafanire kubvumidzwa kukwikwidza. Nhengo dzeZanu-PF ndidzo dzakaenda kumatare kuti veCCC varambidzwe kukwikwidza.

Gweta range richimirira nhengo dzeZanu PF Advocate Thembinkosi Magwaliba vati mutongo uyu waratidza kuti dare ratevedza mutemo.

Mune imwewo nyaya, mutongi wedare reElectoral Court muHarare, Justice Neville Wamambo, nhasi varasa chikumbiro cheCCC chekuti vanhu vari kuda kukwikiwdza vakamirira bato iri zvisina mvumo varambidzwe kupinda musarudzo richiti bato iri harina kugutsa dare kuti paive nemisiyano pavanhu vakasaina magwaro evanhu aya pamwe neevanhu vakadomwa nebato.

Gweta revanhu vakanyoresa kupinda musarudzo vasina mvumo VaTinashe Zindo vaudza Studio 7 kuti zviri pachena kuti vanhu ava vakashandisa mutemo pavakaendesa magwaro avo kuNomination Court.

Asi imwe nhengo yeCCC yange iri mudare paturwa mutongo uyu, VaJameson Timba, vaudza Studio 7 kuti mutongo wanhasi uchapikiswa neveruzhinji musi was 23 Nyamavhuvhu.

Pane vanhu vanodarika gumi nevasere vakanyoresa kuti vakakwikwidze pasi peCCC vasina mvumo kubva kubato iri izvo zvinoreva kuti mune mamwe matunhu panenhengo mbiri kana nhatu dzichange dziine ruvara nemifananidzo yebato iri.

Mune imwewo nyaya yange iri kumatare, dare reElectoral Court rarasa chikumbiro chaMuzvare Linda Masararira weLabour Economists and African Democracts chekuti vabvumidzwe kukwikwidza musarudzo dzemutungamiriri wenyika mushure mekunge mapepa avo arambwa neNomination Court vachinzi vainge vatadza kubhadhara mari yaidiwa kuti vakwikwidze paine nguva kudare reNomination Court. Muzvare Masarira vaudza Studio 7 kuti mutongo uyu wavadzosera kumashure.

Gweta ravo, VaAndrew Makoni, vatai vachatora danho rekuti vopikisa mutongo uyu here kana kuti kwete mushure mekuona zvikonzero zvemutongo uyu izvo zvisina kutaurwa mudare nhasi.

Tichiri mumatare, dare repamusoro soro reSupreme Court rati richapa mutongo mangwana panyaya yaVaSaviour Kasukuwere yekuti vabvumidzwe kukwikwidza mangawana nenguva dza 9 mangwanani.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG