Accessibility links

Breaking News

EU Yotumira VaOngororori veSarudzo nekuMaruwa eZimbabwe


Gungano renyika dzekumawirira reEuropean union ratumira vamwe vaongorori vesarudzo vachange vari mumatunhu ose enyika kusvika sarudzo dzapera. Izvi zvatambirwa nevemapato anopikisa akawanda vange vochema chema kuti dzimwe nzvimbo dzenyika dzange dzaberekera ingwe nekuda kwevasori nevamwe vatsigiri veZanu-PF vari kuvashungurudza.

Mutevedzeri wemukuru wechikwata chevaogorori veEuropean Union Elections Obersvation Mission Amai Beata Martin-Rozumilowicz vaonekana muHarare nevaongorori ava vave kuenda kumativi maba enyika vachiti donzvo ravo nderekuongorora mafambisirwo esarudzo.

Amai Martin-Rozumilowicz vati, Zvakanyanyakosha kunzwisisa kuti zviga Zimbabwe yayakazvipira kutevedzera pachayo zvirikuremekedzwa uye ndozvirikuitika pasarudzo.

Vaenderera mberi vachiti, “Vatiwo vaongorori vavarikutungamirira ava vachasangana nevanoona nezvekufambiswa kwesarudzo, mapato ezvematongerwo enyika, masangano akazvimiririra pamwe nevatori venhau. Vatiwo vaongorori ava vachaita izvi vasina divi ravakarerekera uye vasingakanganisi mafambisirwo esarudzo. Vawedzera vachiti zvichabuda kubva kuvaongorori ava zvinhu zvavanenge vazvionera voga mukufamba kwavo.

Vaongorori ava vari kubatana nevamwe gumi nemumwe vakatanga basa munyika musi wa 8 Chikunguru

Vachitaura neStudio 7, mutauriri webato reZanu PF VaChristoher Mutsvangwa vati chinhu chakanaka kuti vaongorori ava vatanga basa vachiti hapana chekuviga. Vati, “. Tiri kuvatambira tichavapa mukana wose wekuti vaone kuti vanhu vemuZimbabwe vari kuita zvir ipajekerere vanhu vachivhotera bato ravanoda.

Vakafanobata chigaro chemunyori anoona nezvesarudzo mubato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaIan Makone vati shuviro yavo ndeyekuti vaongorori ava vaendewo kumaruwa kunyanya. “Tinenge tichingoda kuti vaongorori ava vaongorere zvirikuitika kumaruwa kwete mumadhorobha chete. Munoziva tinezvirongwa zvedu zvekutsvaga rutsigiro arikuitwa kumaruwa nezvese zvimhingamupinyu zvirikupotserwa munzira dzavo.”

Amai Martin-Rozumilowicz vaudza havo vatori venhau kuti vaongorori veEU vachaenda kunyangwe kunzvimbo dzinonetsa kusvika.Vachange vachinoongorora kusvika kumamisha nekwese kunonzi kunonetsa kusvika.”

Mutauriri webato reNational Constitutional Assembly VaMadock Chivasa vati zvakakosha kuti nyika ive nevaongorori vakadai kuti vazopa huchapupu panyaya yesarydzo. Vati, “Tinenge tichikurudzira kuti vatarisise zvinhu zvakadai sekumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu, kuti hakuna vari kumanikidzwa kuenda kumisangano yavasingadi uye kuti hapana mhirizhonga izvi zvinobatsirawo kuti sarudzo dzedu dzinge dzichionekwawo dziri pajekerere.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakatoudza EU kuti haifanire kuda kuudzira Zimbabwe zvekuita asi kungoongorora zviri kuitwa chete.

EU inoti chinangwa chayo ndechekuti panozoitwa sarudzo munyika munge mave nevaongorori zana nemakumi mashanu. Nyika makumi maviri nenomwe dziri muEU dziri kushandawo neCanada, Norway neSwitzerland mukuongorora sarudzo dzeZimbabwe.

Muna 2002, Zimbabwe yakadzinga mukuru wevaongorori vesarudzo veEU VaPierre Schori vekuSweden vachinzi vainge vazvidza Zimbabwe. Izvi zvakapawo kuti EU izotemera vamwe vatungamiri vehurumende zvirango mushure mekuburitsa vaongoror vayo vainge vasara.

Zimbabwe yakakoka nyika makumi matanhatu neina uye masangano akazvimirira oga kuzoongorora sarudzo dzemusi wa23 Nyamavhuvhu id

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

zi.

Forum

XS
SM
MD
LG