Accessibility links

Breaking News

Amnesty International Inoti Mushure Mekudzvinyirira Vanopikisa kweMakore Mashanu, Zimbabwe Haingaite Sarudzo Dzakachena


Sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reAmnensty International, rinoti sarudzo dzemwedzi unouya dzichaitwa paine kutyorwa kwekodzero dzevanhu, kumbunyikidzwa kwevemapato anopikisa, vanorwira kodzero dzevanhu, vashandi pamwe nevatori venhau.

Mumashoko kuvatori venhau, mukuru wesangano reAmnesty International kuchamhembe kweAfrica VaKhanyo Faise vati nyaya dzekumbunyikidzwa kwevanopikisa dzange dzichiitwa nehurumende kwemakore mashanu adarika.

Vati kusainwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kwemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Amendment Act unozivikanwa neremadunhurirwa kuti “Patriotic Act” kwaratidza pachena kuti hurumende haikoshesi kodzero dzevanhu.

Izvi zvatsigirwa negweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaMarufu Mandevere vati,

“Sarudzo hadzitangi musi wekuvhota, dzakatanga kudhara, makaona mapato anopikisa achimbunyikidzwa, vachirambidzwa kuita misangano vosiirwa nguva shomanana yekuita misangano.” Vatiwo, “Mukaona ZBC nemapepanhau ehurumende haapi mukana kune vemapato anopikisa zvinoita kuti kungonzwikwa inzwi rimwe chete.”

Asi vachitaura neStudio 7, gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakati vari kushora mutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Amendment Act

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Reuben Mbofana, vaudzawo Studio 7 kuti ichokwadi kuti nyika iri kutongwa nedemo.

VaMbofana vati, “MuZimbabwe kana munhu akati ngatiratidzirei kana kuratidzira kuti huwori hwakaipa anosungwa asi vanhu vakapfura kana vakuuraya vanhu vakawandisisa munaNyamavhuvhu 2018 naNdira 2019 hapana kana mumwe chete akasungwa zvinoratidza chii nenyika yedu.” Vawedzera kuti “Zvinoratidza kuti inyika yemabhinya.”

Mukuru wesangano rinoita zvesarudzo reZimbabwe Election Advocacy Trust, VaIgnatius Sadziwa, vaudza Studio 7 kuti nyaya dziri kutaurwa neAmnesty International dzakaita sekurambidzwa kuita misangano kwemapato anopikisa nekutyorwa kwedzoreo dzevanhu inyaya dzavanogaro chema chema nadzo nguve yese panoitwa sarudzo munyika.

VaSadziwa vati, “Yanga ichingori nyunyuto yedu iyo kuti makore ese patinotanga kuita sarudzo tinenge tiine zvimhingamupinyi zvakawandisa chaizvo takatarisana nekukosheswa kwekodzero dzevanhu nekutotevedza mutemo chaiko.” Vaenderera mberi vachiti, “Mutemo wedu wesarudzo hausi kutevedzwa uye chinosuwisa ndechekuti vari kutyora mutemo ihurumende.”

Vakanobata chigaro chemutevedzeri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change Doctor Felix Magalela Mafa Sibanda vaudza Studio 7 kuti Amnesty International yabaya dede nemukanwa.

VaSibanda vati, “Saka Amnesty International muchidimbu iri kutaura zviri kuitika uye havasi kurova imbwa vakaviga mupini.” Vatiwo, “Sezvinei isu veCCC nevanhu veZimbabwe tiri kuti ticharamba tichimakidza Zanu PF kudakara zvinhu zvaita.”

Asi mutauriri webato reZanu-PF VaChris Mutsvangwa, vaudza Studio 7 kuti Amnesty International inopihwa mari nenyika dzekumadokero idzo dzinegodo neZimbabwe. VaMutsvangwa vati, “Saka sehurumende yeZanu PF hatinei navo vakagara yakadaro.” Vaenderera mberi vachiti, “Vanhu vemuZimbabwe vanoda rusununguko nehutongi hwejekere, tichaenda kusarudzo tonovhotera bato ratinoda Amnesty ichida isingade. Hatikendenge nezvainotaurwa maererano neZimbabwe.”

Amnesty International inoti mukati memakore mashanu apfuura pakave nekushungurudzwa kwevanhu vakaita senhengo dzeTripple C dzinoti mumiriri weZengeza West VaJob Sikhala, mumiriri weHarare West, Muzvare Joana Mamombe, Cecilia Chimbiri naNetsai Marowa kuye mutori wenhau ane mukurumbira Hopewell Chin’ono.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG