Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri veNyika dzemuAfrica Vakawanda Vorega Kuenda Kumusangano Wakokerwa neRussia


VaEmmerson Mnangagwa naVaVladmir Putin
VaEmmerson Mnangagwa naVaVladmir Putin

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasvika muRussia nhasi pamberi pemusangano wemazuva gumi weRussia-Africa summit uri kutanga must Petersburg mangwana.

Asi huwandu hwevatungamiri venyika dzemuAfrica vari kumusangano uyu hwadzikira zvakanyanya zvichienzaniswa nemusangano wekutanga wakadai wakaitwa muna 2019.

Gore rino vatungamiri gumi nevanomwe chete ndivo vari kuenda kumusangano uyu asi pane wekutanga paive nevatungamiri makumi mana nevashanu.

Nyaya dziri kutarisirwa kutaurwa kumusangano uyu dzinosanganisira yechibage sezvo Russia yakabuda muchibvumirano chekuti ibvumidze Ukraine kutengesera nyika dzemuAfrica nedzimwe dzepasi rino chibage. Izvi zvapa kuti mutengo weChibage ukwire nezvikamu makumi maviri kubva muzana kana kuti 20%.

Dzimwe nyika dzemuAfrica dzakaita seCentral African Republic neMali dziri kubatsirwa nechikwata chemauto chekuRussia chinonzi Wagner dziri kuda kuziva kuti remangwana remauto aya rikamira sei.

Mutungamiri weWagner, Yevgeny Prigozhin ari kupomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende yeRussia uye kunetsana kwake nemutungamiri weRussia vaVladimir Putin kwapa kuti pave nemhute pamashandiro echikwata ichi.

Nyaya yehondo pakati peRussia neUkraine inonzi ichazeyiwawo uye basa iri rapihwa mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa.

Mutauriri webazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaLevit Mugejo vati Zimbabwe iri kushandisa mukana wekuenda kumusangano uyu kusimbaradza hukama neRussia uye vachaita misangano yakawanda kumucheto wemusangano uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic party Doctor Wurayayi Zembe vati nyika mbiri idzi dzave nemakore dzichidyidzana asi pasina chinobatika chabuda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vati Russia yave kuda kutsvaga shamwari dzekudyidzana nadzo sezvo yobatwa seyakageza negoka munyama nenyika dzakawanda nekuda kwayo kwekuyedza kupamba Ukraine.

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG