Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau wekuNigeria Orambidzw Kupinda muZimbabwe Zvopa Kuti Pakandiranwe Makobvu neMatete


Nick Mangwana - Permanent Secretary Ministry Of Information
Nick Mangwana - Permanent Secretary Ministry Of Information

Mumwe mutori wenhau anonyorawo mabhuku ari chizvarwa chekuNigeria, David Hundeyin, anoti akachengetedzwa muhusungwa panhandare yendege yeRobert Mugabe International Airport asati amanikidzwa kudzokera.

Asi munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana vati Hundeyin, uyo akasvika munyika asina magwaro akakwana ekufambisa kana kuti VISA nemusi weChitatu akaburitswa munyika nhasi mangwanani anokwanisa kudzoka kuZimbabwe kana agadzirisa mapepa ake.

VaMangwana vaudza Studio 7 kuti Hundeyin uyo aitsvaga hupoteri kuGhana a haana kana mhosva yaakapara kunze kwekuti akapinda munyika asina VISA sezvinodiwa pazvizvarwa zvekuNigeria zvinopinda munyika.

Vati, “Asvika kuno veImmigiration vakaona kuti haana VISA racho." Vaenderera mberi vachiti, "Hakusi kuti pane chimwe chinhu chakaipa chaanga aita kana kudii ndokubva vamuti VISA rako unofanira kutsvaga usiri munyika saka hauna VISA taakuti upfuure. Saka akaita futi rimwe rombo rakaipa rekuti pava kazopedza kushanda naye ndege yaanga ari mairi yange yatosimuka.Saka panmga poaakudiwa kuti pagadzirwe imwe ndege yokuti azokwira adzokere.”

VaMangwana vanoti vanoshamisika kuti Hundeyin akatakurwa nendege sei iye asina VISA uyewo vati ange asingafambire zvebasa.

Asi achipindura padandemutande rake reTwitter, Hundeyin ashora zvikuru VaMangwana achiti munhu anoreva nhema.

Ati haatarisire kuti mushandi wehurumende anoburitsa pamadandemutande nezvenyaya dzehupoteri dzemushanyi kuZimbabwe. Atiwo ashandisa gwaro rake rehupoteri raakapihwa muGhana kushanyira nyika dzakawanda pasina dambudziko kunze kwemuZimbabwe.

Pamashoko anyorwa padandemutande nemumwe mutori wenhau ane mukurumbira, Hopewell Chin’ono, ekuti dai Zimbabwe isina kurambidza kupinda munyika Hundeyin nekuti Zimbabwe yakabatsirwa zvikuru neNigeria munguva yehondo yerusungunuko, VaMangwana vati nyika yakabatsirwa nenyika dzakwanda uyehaingadzirege dzichiita madiro aJojina.

Munyori musangano rino miriria vatori venhau munyika reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ) VaPerfect Hlongwane vati vane hurombo nezvaitika kuna Hundeyin.

“ Tine hurombo kuti izvi zvaitika kunutori wenhau asi sesangano rinomirira vatori venhau munyika hatigoni kuti tinge tichitaura pamusoro penyaya iyi zvakadzama nekuti chekutanga hatizivi kuti mutori wenhau uyu aiuya munyika achita zvebasa here kana kuti kwete.” VaHlongwane vaudza Studio 7

VaSilence Gwande, avo vataura vakamirira National Association of Freelenance Journalists vati vanovimba kuti Hundeyin achagadzirisa magwaro ake odzoka kuZimbabwe.

“Tino tarisira kuti kana zvikazofamba zvakanaka kana kuti pane zvinenge zvichidiwa zvine chekuita nekutevedza mutemo wekupinda munyika tinotarisira kuti anogona kuzodzoka futi muno.”

Hundeyin anoti aiuya kuzoona shamwari yake uye haachafe akadzokera kuZimbabwe.

Forum

XS
SM
MD
LG