Accessibility links

Breaking News

European Union Yoronga Kuunza Vaongorori veSarudzo Zana neMakumi Mashanu


EU Election Observers
EU Election Observers

Sangano remubatanidzwa wenyika dzekumawirira reEuropean Union iro rakatotumira vamwe vaongorori vesarudzo gumi nemumwe munyika rinoti mukupera kwemwedzi uno, vamwe vaongorori vesarudzo makumi mana nevatanhatu (46) vanenge vave munyika.

EU inotiwo pachaitwa sarudzo, munyika munenge mave nevaongorori vesarudzo zana nemakumi mashanu (150). Mukuru wechikwata chevaongorori veEU vari munyika VaFabio Massimo Castaldo vakaudza vatori venhau nezuro kuti vakatanga basa musi wa 8 chikunguru uye vari kuvimbisa kushanda vasina divi ravakarerekera.

Bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika rinoti nyika makumi matanhatu nemana dzakakokwa kuzoongorora sarudzo kusanganisira Russia, Belarus, America neBritain.

Asi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakatoyambira vaongorori vesarudzo ava kuti vasade kuuya vachiudza Zimbabwe zvekuita.

Nyanzvi yezvematongerwo enyika vachidzidzisa pachikoro cheTswane University kuSouth Africa, Muzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza vanoti ichi chinhu chakanaka asi panogona kuzoita mutauro kana vaongorori vesarudzo ava vakaona zvakaipa vakataura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG