Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yopomerwa Mhosva Yekuda Kushandisa "Patriotic Act" Kushungurudza Vanopikisa


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu, magweta, vemapato anopikisa pamwe neveruzhinji vanoti vari kutyira kuti hurumendeinogona kutanga kushandisa mutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Amendment Act iyo inozivikanwa neremadunhurirwa sekuti Patriotic Act, kumbunyikidza vemapato anopikisa, vanorwira kodzero dzevanhu pamwe nevatori venhau sezvo nyika yatarisana nesarudzo mwedzi unouya.

Mukuru anoona nekufambiswa kwezvirongwa musangano ravanachipangamazono panyaya dzemutemo, reVeritas, VaLizwe Jamela, vaudza Studio 7 kuti pane kuchema chema zvikuru munyika zvichitevera kusainwa kwemutemo uyu nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nekuti munhu wese anogona kusungwa akataura zviri kukanganiswa nehurumende. VaJamela vati, “Zvinoita sezvinokahadza pamutemo uyoyu, inyaya yekuti uri kuisiwa asi pasina kunyatsobuda zvakajeka kuti zvii zvaunoreva."

Vanotiwo kunyange vemapato anopikisa vanogona kupinda mutsekwende pasi pemutemo uyu apo vavenge vachitsvaga rutsigiro nekuti mashoko avo anogona kuonekwa sekuti vazvidza hurumende.

Vachipindura vari kushora mutemo uyu, gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vati mutemo uyu unobata chete vanenge vachida kuti nyika itemerwe zvirango kwete kushora hurumende kana mutungamiri wenyika.

VaZiyambi vati, “Zvaunoreva muchidimbu ndezvekuti kana munhu akaeenda kunze kwenyika kunoita musangano nehurumende yeikoko, musangano uri wekuti nyika yedu inge ichiisirwa zvirango zvehupfumi kana kuti vekunyika ikoko vasatengeserana nesu, zvinove zvinozokonzer akuti vanhu vemunyika medu vange vachitambura zvakanyanyaya iyoyo tavakuti imhosva. Vatizve, "Hautaure kuti kana takanga zvedu tiri paMurombedzi paya pandinobva ,tiri mubhahwa tobva tatanga kuti haa!VaMnangagwa vakonewa wosungwa izvi hazvimo mumutemo iwoyo.

Mukuru wesangano reMedia Institute of Southern Africa Zimbabwe, Doctor Tabani Moyo, vanoti zviri pachena kuti chikamu chemutemo uyu chinotyora kodzero dzevanhu dzekutaura vakasununguka dzavanopihwa nebumbiro remutemo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, Dr Wellington Gadzikwa, vati kumbunyikidza vanhu kuti vasataure ndizvo zvinototswamwisa nyika dzekunze zvakanyanya.

Mukuru wesangano, reAmnesty International, Amai Lucy Masuka vaudza Studio 7 kuti zvakaitwa nemutungamiriri wenyika kusaina mutemo uyu kutyora kodzero dzeveruzhinji dzekutauara vakasununguka pamwe nekushanda nevanhu vavanoda zvinova zvinotyora bumbiro remitemo.

Muzinda wemumiriri weAmerica muZimbabwe wakashora kusainwa kwemutemo uyu uchiti mutemo uyu unotyora kodzero dzevana veZimbabwe pamwe nekukanganisa hurongwa hweZimbabwe hwekuna kunbatsururdza hukama hwayo nedzimwe nyika.

Izvi ndozvakataurwawo nemizinda yedzimwe nyika dzekuEurope idzo dzinoti hurumende yeZimbabwe yakaramba kuterera zvizvarwa zvayo pamusoro pemutemo uyu.

Asi mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF VaTafadzwa Mugwadi vaudza Studio 7 kuti vese vari kuchema chema nemutemo uyu vari kuvhunduka chati kwatara.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutauririri webato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaFelix Magalela Mafa Sibanda vati kusainwa kwemutemo uyu kunoreva ku VaMnangagwa vanoda kuushandisa pasarudzo.

Mitongo inopihwa vanhu vanobatwa nemhosva pasi pemutemo uyu, inosanganisira rufu, kugara mujeri kwemakore makumi maviri, kurambidzwa kuvhota kana kutorerwa hugaro (citizenship)

Forum

XS
SM
MD
LG