Accessibility links

Breaking News

Mapurisa kuChipinge South Anosunga Nhengo Nhatu dzeCCC, Kusanganisira VaClifford Hlatywayo, Vari Kukwikwidza muSarudzo dzeParamende


Chipinge South CCC Candidate Clifford Hlatshwayo
Chipinge South CCC Candidate Clifford Hlatshwayo

Mapurisa kuchecheche, kuChipinge South anonzi asunga nhengo nhatu dzebato rinopikisa re Citizens’ Coalition For Change, dzinoti vari kumirira bato iri musarudzo dzeparamende kuChipinge South, VaClifford Hlatywayo, maneja wavo pamwe chete nevari kuda kukwikwidza musarudzo dzemakanzura muWard 24.

Vachitaura neStudio 7 vari mukamba yemapurisa epaChecheche, VaHlatywayo vati vatorwa nemapurisa anodzivirira mhirizhonga vachinzi vanga vachipinza musangano vasina kupiwa mvumo nemapurisa.

Vati vanga vakangogariswa mukamba iyi kubva nenguva dzekuma 11 mangwanani pavasungwa kusvika pataenda pamhepo nenguva dza 7 vachiti vanzi vamirire matikitivha edivi reLaw and Order anga achizobva kudhorobha reChipinge, makirimoita zana nemakumi mashanu kubva paChecheche.

Izvi zviri kuuya mushure mekunge mapurisa arambidza misangano minowe yaive yakarongwa naVaHlatyawayo nebato ravo muChipinge South yaifanirwa kutanga neMugovera kusvika musi wechipiri, achiti yakanga isiri kugutsa zvinodiwa nemutemo wemopa.

Studio 7 yakundikana kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG