Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vanosaina Criminal Law (Codification and Reform) Amendment Bill Kuve Mutemo, Vanorwira Kodzero Vachichema


Mutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Amendment Act unorambidza vana veZimbabwe kutaura zvakashata pamusoro penyika yavo nevekunze.
Mutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Amendment Act unorambidza vana veZimbabwe kutaura zvakashata pamusoro penyika yavo nevekunze.

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, neChishanu vakasaina kuve mutemo Criminal Law (Codification and Reform) Amendment Bill, mutemo uno nozivikanwa zvakare sePatriotic ACT, danho riri kushorwa zvikuru nevemapato anopikisa pamwe nevemasangano anoshanda akazvimirira vachiti mutemo uyu uno dzvinyirira veruzhinji.

Mutemo uyu wakanangana nekuomesera zvizvarwa zveZimbabwe zvinoshoropodza kana kutaura zvakaipa pamusoro penyika yazvo kana kukoka zvirango.

Munyori muhofisi yemutungamiriri wenyika pamwe nedare remakurukota, Dopctor Misheck Sibanda, vazivisa izvi mugwaro rehurumende reGovernment Gazette, nhasi.

Asi danho remutungamiri wenyika iri ratambirwa nekuchema nevana veZimbabwe vakawanda kusanganisira vemapato anopikisa, avo vanoti mutemo uyu ndewehudzvanyiriri.

Mumwe wevakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutauriri webato reCitizens’ Coalition for Change, VaFelix Mafa, vaudza Studio 7 kuti vashamiswa nezvaitwa naVaMnangagwa.

“Uyu mutemo hausi wevanhu ndewe kudzvinyirira vanhu veZimbabwe panonzi pane hutongi hwejekere. Mitemo yakadai yaishandiswa nanaHitler pavaida kuparadza vanhu vechitema nevanhu vavanga vasingawirirane navo. Saka isu tinoziva kuti mutemo uyu hautevedzwe.”

Vaenderera mberi vachiti sebato vachakurudzira veruzhinji kuti vasetevedze mutemo uyu, uye vachaubvisa kana bato ravo rikakunda musarudzo dzemuna Nyamavhuvhu.

Sachaigaro vesangano remubatanidzwa wemasangano anoshanda akazvimirira, reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPeter Mutasa, vatsinhirawo kuti mutemo uyu unodzvanyirira vanhu zvakanyanya.

“Saka mutemo uyu wakaiipisisa, hunhapwa hwavandudzwa. Vana veZimbabwe tapinda patsekwende, hatisi kuziva kuti vangani vachasungwa asi tinotarisra kuti vanhu vazhinji vachasungwa vakaenda kujeri asi kunyangwe zvakadero tinokurudzira vana veZimbabwe kuti vasatorerwe kodzero dzavo vakarivara asi kodzero dzose dzinotorwirwa.”

Vatiwo chimwe chinotyisa ndechekuti hapana anoziva kuti mutemo uyu unotangira papi uchigumira papi.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaMarufu Mandewere, vaudza Studio 7 kuti mutemo uyu unotora kodzero dzevana veZimbabwe dzavanopihwa nebumbiro remitemo yenyika.

“Zvakare mutemo uyu unoita kuti vana veZimbabwe vasakwanise kupa zvichemo zvavo kana nhuna dzavo kune vanhu vedzimwe nyika chinova chinhu chinokonzera kuti vana veZimbabwe vasawana rubatsiro kubva kune dzimwe nyika.”

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika nekugara zvakanaka kwevanhu vachishanda nesangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Ruben Mbofana, vati mutemo uyu wakashata nekuti unoita kuti vana veZimbabwe vasataure zvichemo zvavo.

“Hakuna nyika pasi rino rose inozviti inoita gutsaruzhinji, inoremekedza kodzero dzevanhu ichiisa mutemo wehudzvanyiriri wakaita sePatriotic Act. Patriotic Act chairi kuita ndechekuda kutyityidzira zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvisataure chokwadi pamusaka pekutambura nekushushwa nekushungurudzwa kwatirikuitwa nehurumende yedu.”

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko muZanu PF VaTafadzwa Mugwadi. Asi imwe nhengo yechikamu chevechidiki mubato iri, VaPeter Matangi, vati mutemo uyu wakanaka chose nekuti wakanangana nekudzivirira nyika kubva kuzvizvarwa zvenyika ino zvinofamba zvikoka zvirango zvehupfumi.

“Saka ukaona munhu achiti haazvifariri zviri kutyora kodzero dzedu, inhubu dziri kuchema kuti piswa mutemo wekuti hunhubu hwasz husaitwe, vaakuchema kuti taakudzvanyirirwa kana iwe uchingo farira nyika yako handione chekuchema.”

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kugurukota rezvemitemo, VaZiayambi Ziyambi. Asi vachitaura pakapasa bhiri iri mudare reseneti, VaZiyambi vakati mutemo uyu wakakosha pakuchengetedza nyika kubva kuvavengi.

Vakati mutemo uyu hauna kunangana nevanoenda kunze kwenyika vachinosangana neshamwari kana hama dzavo, asi kuti vaya vanoenda kunokumbira zvirango kana kuti Zimbabwe iomeserwe.

Vanobatwa nemhosva pasi pemutemo uyu vanogona kutongerwa rufu kana kugara mujeri kwenguva yakareba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG