Accessibility links

Breaking News

Mapurisa ekuMasvingo Osunga Vari Kukwikwidza Vakamirira CCC Vachitsvaga Rutsigiro


CCC Supporters in South Africa
CCC Supporters in South Africa

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rinoti mapurisa achiri kuenderera mberi achiri kanganisa kuita misangano yaro nekusunga vri kukwikwidza musarudzo nevatsigiri varo.

Izvi zviri kuuya kunyangwe mumwe mukuru wemapurisa anoona nezvesarudzo Commissioner Ndofandaedza Jaboon vakaudza vatungamiri vemapurisa mumatunhu kuti varegere mapato anopikisa achitsvaga rutsigiro murunyararo sezvo zvekuvarambidza zvave kusvibisa zita renyika.

Bato reTripple C rinoti nhengo dzaro mbiri dziri kurimiririra musarudzo dzenhengo dze dzeparamende muMasvingo Urban neWest, VaMartin Mureri naVaPedzisai Gasva vakasungwa nezuro apo vaitsvaga rutsigiro vachitenderera nemudzimba dzevanhu. Vaviri ava vabhadhariswa mari yechibatiso.

VaMureri vaudza vatori venhu kuti vakasungwa pazvitoro zvekwaGomba mudhorobha reMasvingo kuti, “Takasungwa tiri paGomba tikandeswa kuLaw and Order kutown uko kwatakandobhadhariswa mari yefine,”

Vaenderera mberi vachiti, “Tinoona sekuti pane ruoko rweZanu PF nekuti pataiva mukamba veZanu PF vaitopfuura nepo vachiita ruzha,”

Izvi zvtsinhirwawo naVaGasva avo vati sarudzo dziri kukanganiswa nemapurisa neZanu PF.

“Sarudzo idzi hadzisi kuita pachena isu tinorambidzwa kuita misangano asi vamwe vanobvumidzwa, playing field is not even,” Vakadaro VaGasva.

Mutauriri wemapurisa muMasvingo, Assistant Inspector Kudakwashe Dehwa, vati havasati vanzwa nezvenyaya iyi nekudaro havakwanisi kutipa divi ravo.

Asi mutauriri webato reZanu PF muMasvingo, VaPepukai Chiwewe vati manyepo sezvo vasina simba rekuudza mapurisa zvekuita. “Isu hatina simba iriro rekuudzira mapurisa zvekuita ngavtsvage zvimwe kwete kutinyepera,” vanodaro VaChiwewe.

Mashoko aya anotsinhirawo emutauriri webato reZanu-PF VaChris Mutsvagwa kuti havaudze mapurisa zvekuita.

Asi haasi mapurisa ose ari kukanganisa veTripple C. Mutungamiri webato iri VaNelson Chamisa nhasi vange vaine musangano kuGokwe Sesame uko vati havo mapurisa avabata zviri nani sekutaura kwemutevedzeri wemutauriri webato iri VaOstallos Siziba.

“Tinotenda mapurisa ekuno nekutibata zvakanaka we have been treated well by a professional police and we are happy,” VaSiziba vadaro.

VaSiziba vati VaChamisa vange vachitaura nezvekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika zvikuru hupfumi zvapa kuti vakawanda vashaye mabasa.

Zvichakadaro mutongi wedare rinotonga makakava ezvesarudzo kana kuti Electoral court muMasvingo, VaStansilus Zisengwe, nezuro vakasendeka parutivi mutongo wedare renomination court wekurambidza nhengo yeTripple C yeward 4 kuZvishavane, Muzvare Cherita Mungoda kuti vamirire bato ravo pasarudzo dzegore rino.

Gweta raMuzvare Mungoda , VaLeopold Mudisi vaudza Studio 7 kuti.

“Mutongi wedare reElectoral Court akapa mutongo wake wekuti vanga varambidzwa kumira vamire vachiti pakanganiswa nedare renomination saka vave kukwiklwidza musarudzo,” Vadaro VaMudisi.

VaMudisi vanoti Muzvare Mungoda vakange varambidzwa nedare reNomination vachinzi mapepa avo akange akasainwa nerunyoro rwakasiyana nezvavakapuhwa ZEC neCCC. Ward 4 ndeimwe yemawadhi akange atotorwaa neZanu PF isina kukukwikwidzwa. Vamwe vakanzi vabvumidzwe kukwikwidza

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG