Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoti Azowirirana neCCC Kuti IIte Misangano Yambomiswa kuGokwe Rimwe Zuva


Paul Nyathi -Police
Paul Nyathi -Police

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti bato reCitizens Coalition for Change kana kuti CCC nemapurisa ekuMidlands vazotenderana kuti misangano miviri yange yarambidzwa nemapurisa iitwe rimwe zuva.

Bato reCCC rinoti mapurisa ange ari rambidza zvakare kuti riite misangano kuGokwe Central neGokwe Kambunyuni nemusi weChina achiti haana huwandu hwekuti akwanise kuchengetedza vanhu. Asi VaNyathi vaudza Studio 7 kuti, ““Vataurirana vakawirirana kuti vave kuzonyora chimwe ziviso kumapurisa saka zvazvinoreva ndezvekuti hapana musangano wamiswa saka ndozvandiri kuti zvimwe zviri kubuda pasocial media media ndezvemanyepo.”

Izvi zvinoitika mushure mekunge mukure wemaparuisa ari kuona nezvesarudzo, Commander 2023 Harmonised Elections Commissioner Ndofandaedza Jaboon, vanyorera kuvakuru vemapurisa mumatunu vachikurudzira kuti vape mapato ese mukana wekuita misangano yekutsvaga rutsigiro.

Mukuru anooona nezvekufambiswa kwebasa mudunhu reMidlands muCCC, uye vari kuronga misangano yebato iri, VaJoseph Madyegwayi, vaudza Studio 7 kuti pamisangano mina yavange vakaronga kuita mudunhu reGokwe svondo rino, mapurisa ange avabvumidza kuita misangano miviri chete.

Vatendawo kuti vange vachiri kutaurirana nemapurisa sezvo vange vachiti havasi kugutsikana nezvikonzero zvakapihwa nemapurisa zvekuti vasaite misangano. Hatina kuzokwanisa kuvabata kuti vapindure mashoko aVaNyathi ekuti pazoitwa chimwe chibvumirano.

Mutsamba yavo kuCCC, mukuru wemapurisa kudunhu reGokwe South, Supritendent A Zimbili vati bato iri harigone kuenderera mberi nemimwe misangano nemusi weChina paCMB nekuti musi mumwe chetewo pane mamwe mapato avasina kudoma anenge aine misangano uye havana mapurisa akakwana ekuti vachengetedze runyararo kana pakaita mhirizhonga.

Mutauriri webato reCCC Muzvare Fadzayi Mahere vachinyora padandemutande ravo reTwitter vati muvhiki rimwe chete chete misangano yavo mitanhatu yange yarambidzwa kuitwa nemapurisa kwaChivi, Chiredzi Central, Chikombedzi, Mazowe Central, Bindura neGokwe South.

Forum

XS
SM
MD
LG