Accessibility links

Breaking News

Mumwe Mukuru weMapurisa Otenda Kuti Kurambidza Vanopikisa Kuita Misangano Kwokanganisa Chimiro cheZRP neNyika


Mukuru wemapurisa anoona nezvesarudzo, Commander 2023 Harmonized Elections, Commissioner Ndofandaedza Jaboon vanoti vakuru vemapurisa mumatunhu ese munyika havafaniri kurambidza mapato anopikisa kuita mIsangano zvisina maturo achiti kuita kwadai kunosvibisa chimiro chesarudzo.

Mutsamba yavo kuvakuru vemapurisa mumatunhu ese munyika, yakanyorwa nemusi Chishanu VaJaboon vati kuti sarudzo dziitwe murunyararo uye kuti dzinzi dakajeka, mapato ese anofanira kupihwa mukana wekuita misangano uye mapurisa hafaniri kutora matanho anosvibisa chimiro chesarudzo.

Mutsamba yavo, VaJaboon vanoti vakuru vemapurisa mumatunhu kana kuti Dispols vanofanira kunzwisisa mutemo wesarudzo weElectoral Act pamwe newekuchengetedzwa kwerunyararo weMaintenance of Peace and Order Act votora matanho anoita kuti mapato ezvematongerwo enyika aite misangano yawo murunyararo.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti tsamba iyi yaienda kuvakuru vemapurisa uye yakatoburitswa kune neveruzhinji nenyanya iyo vati vave kutsvaga. VaNyathi vati, “Tsamba iyoyo yakanyorwa nemukuru wemapurisa ichienda kuvakuru vemapurisa yange isinei neveruzinji, nevatori venhau asi kwaita munhu akaita musikanwa akawana mukana wekuona tsamba ndokubva aiisa padandemutande zvinove zvatisingakurudzire.”

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari mukuru weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya vanoti kuburitswa kwaita tsamba iyi kune veruzhinji kunoratidza kuti kune mamwe mapurisa asiri kufara nekurambidzwa kuri kuitwa mapato anopikisa kuita misangano yawo. VaRuhanya vati, “Vaona kuti nyika yese yazviramba, vanhu vese vazvirapa pasi rese razviramba kuti VaMnangagwa vangoita marally avo pazvimbo dzisina zvimbuzi asi VaChamisa vachirambidzwa." Vaenderera mberi vachiti, "Mapurisa chero mukatarisa sarudzo dza2008 kunana ZRP Tomlison kunana Chikurubi VaMugabe vaitowana mavhoti matanhatu kana manomwe kuvhota chaiko mapurisa vanhu vakatongwara vanhu vanoziva zvavanoita asi vanenge vachimbunyikidzwa nevakuru veZanu PF.”

Mutsamba yavo, VaJaboon vanoti svondo rapfuura mapepanhau nemadandemutande ange akazara nenhau dzekuti mapurisa airambidza vemapato anotipikisa kuita misangano izvo zvaizokonzera mhirizhonga. Nokuda kwaizvozvo vanoti maDispol anofanira kuona kuti mapato ese aregedzwa achiita misangano yavo kunze kwekuti paine zvikonzera zvakasimba zvekumisa kuti misangano isaitwa.

Vakafanobato chigaro chemutauriri webato reCitizens Coalition for Change, VaGift Ostallos Siziba vaudza Studio 7 kuti CCC ichaenderera mberi nemisangano yayo vachiti vanozviziva kuti mapurisa ange ari kushandiswa nebato reZanu PF. VaSiziba vati, “Isu tinoendaa mberi nezvirongwa zvedu hatizomiswa kana nanu zvake nekuti mutemo unobvumidza munhu wese zvikuru sei mapato zvematongerwo akaita seCCC tine kodzero yekuungana nekusangana nezvizvarwa zveZimbabwe nyika yese. Vatizve, "Svondo rino tichange tichifamba tiri kuMidlands mukuru wenyika VaNelson Chamisa vachange vachitaura nevanhu tichienderana mberi nemaCampaigns.”

Asi mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashako muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati mapato anopikisa zvikuru sei CCC vanonetsana nemapurisa nekuti havadi kutevedzera mutemo.

‘Tinozviziva kuti mapato anopikisa zvkuru sei CCC hatevedzi mutemo ndosaka vachinetsana nemapurisa. Iro idambudziko ravo harinei nesu. Isu tinoronga misangano yedu.’ VaMugwadi vadaro.

Danho remapurisa iri rinouuya apo bato reCCC ririkuchema kuti range riri kurambidzwa kuita misangano nemapurisa munzvimbo dzakasiyana siyana munyika.

Mukupera kwesvondo CCC yakarambidzwa kuita musangano kuBindura, Mazowe nekuChiredzi uye danho remapurisa iri rakatsigirwa nedare ramajisitireti muBindura izvo zvakapa kuti vatsigiri vebato iri vakurudzire vakuru vakuru vebato ravo kuenda kuSADC, African Union neUnited Nations kunovasuma kuti munyika maberekera ingwe pamberi pesarudzo dzemusi wa23 Nyamavhuvhu.

Kubva gore rapera, bato re Tripple C rinoti misangano yaro makumi mapfumbamwe nemiviri yarambidzwa kana kukanganiswa nemapurisa kana vatsigiri veZanu-PF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG