Accessibility links

Breaking News

CCC Inoti Zanu-PF, Mapurisa, Matare Voikutsanira Pamberi peSarudzo


Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change nhasi ramanikidzwa kukanzura hurongwa hwaro hwekutsvaga rutsigiro kuBindura vanoongorora zvesarudzo vachiti zvave kuitwa nehurumende ichishandisa mapurisa nematare kukanganisa vanopikisa kutsvagara rutsigiro zvave zvinozosvibisa zita renyika.

Mutongi wedare repamusoro reHigh Court Justice Tawanda Chitapi vakapa mutongo wekuti mejastiriti wekuBindura Amai Mary Msika vakatadza kuita basa ravo zviri pamutemo mushure mekunge vati nyaya yeTripple C yekurambidzwa kuita musangano nemapurisa paBrockdale Pfugari Open Space kuBindura, Mashonaland Central.

Kunyangwe nyaya dzematare dzichifanira kunzwikwa nechimbi chimbi, magistrate Msika nemusi weChishanu vakati nyaya yainge yakwidza kudare neTripple C izonzwikwe nemusi weMuvhuro iro musangano ichifanira kuitwa nhasi.

VaChitapi vabva vati majastitiriti ava vanzwe nyaya iyi nhasi nenguva dza12 masikati. Asi mutongi uyu abva aramba zvekare kubvumidza bato reTripple C kuita musangano. Izvi zvashorwa negweta reCCC VaAgency Gumbo.

Murongi wemabasa mubato reCCC VaAmos Chibaya vashorawo zviri kuitwa izvi vachiti mabasa eZanu-PF

Asi vachipindura, munyori anoona nezvemitemo muZanu-PF VaFortune Chasi vachiti Zanu-PF haiudze mapurisa zvekutuita.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti vari kuda kuti munyika muite sarudzo dzakachena.

Asi VaChibaya vati muromo wagara havo hauzarirwere nerwizi. Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vajaudza vatori venhau kuti veTripple C vairamba vachichinja chinja nzvimbo dzekuitira musangano. Vatiwo nzvimbo yaida kuitirwa musangano neTripple C iri paruzhinji uye vanhu vaidawo kutanga vaziviswa.

Vachipawo pfungwa dzavo, sachigaro wesangano reZESN VaAndrew Makoni vati zviri kuitwa nemapurisa nematare hazvipe nyika chimiro chakanaka.

SADC, AU, United Nations nevamwe vakakweretwa mari neZimbabwe vanosanganisira African Development bank, IMF neWorld Bank vakatoudza mutungamiri wenyika VaEmmerson Mngangagwa kuti sarudzo dzisina kuchena dzichapa kuti Zimbabwe irambe ichiita seyakageza negoka munyama.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG