Accessibility links

Breaking News

Bato reCCC Rinoenda kuMatare eDzimhosva Kuti Ribvumidzwe Kuenderera Mberi neMusangano Waro kuBindura neSvondo


Mapurisa kuBindura arambidza kuitwa kwemusangano weCCC neSvondo.
Mapurisa kuBindura arambidza kuitwa kwemusangano weCCC neSvondo.

Bato rinopikisa reCitizens' Coalition for Change, CCC, rinoti raenda kudare repamusoro reHigh Court richida kuti dare iri riongorore nekukasika danho ratorwa nedare ramejasitiri rekunonoka kunzwa chikumbiro chebato iri chekuti dare ripe mutongo pakurambidzwa kwaraitwa nemapurisa ekuBindura, kuMashonaland Central, kuita musangano waro nemusi weSvondo.

Mushure mekunge mapurisa arambidza kuitwa kwemusangano wekuparura hurongwa hwekutsvaga rutsigiro uyu achiti nzvimbo iri kuda kuitirwa musangano uyu haina zvimbuzi nemigwagwa uye anotyira kuti panogona kupararira zvirwere kana musangano uyu ukaenderera mberi, bato iri raenda kudare ramejasitiri, asi dare iri rinonzi rati richazonzwa nyaya iyi musi wa 11, unove Chipiri chinouya, mazuva maviri zuva remusangano uyu radarika.

Izvi ndizvo zvaita kuti bato iri rimhanye zvechimbichimbi kudare repamusoro richida kuti nyaya yaro inzwikwe zuva remusangano risati rasvika.

Bato reCCC rinoti richaenderera mberi nemusangano waro neSvondo zvisineyi nekuti zvii zvabuda mumatare edzimhosva.

Mapurisa arambidza musangano weCCC.
Mapurisa arambidza musangano weCCC.

Mutsamba yavo kuCCC, mapurisa ekuBindura ati nzvimbo iri kuda kuitirwa musangano uyu ye Brockdale Pfugari Open Space haina zvivakwa kana migwagwa uye kana pakaita mhirizhonga mapurisa nevamwe vanopa rubatsiro vanogona kunetseka kusvika panzvimbo iyi.

Mapurisa atiwo CCC haina kuvazivisa paine nguva uye bato iri rinofanira kutsvaga imwe nzvimbo inokodzera roudza mapurisa paine nguva kuitira kuti agadzirire kuchengetedza runyararo nevanhu vachapinda panzvimbo iyi.

Asi mushandi mukuru mubato iri muMashonaland Central uye vari ivo vange vachironga musangano uyu, Amai Susan Mawire, vaudza Studio 7 kuti kwemasvondo maviri apfuura vange vari kushaya nzvimbo dzekuitira musangano wavo vachingoudzwa kuti pane vamwe vachange vachishandisa nzvimbo idzi musi wavakaronga kuita musangano.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutauriri weCCC, VaGift Ostallos Siziba, vaudza Studio 7 kuti zviri kutika izvi zvinoratidza kuti bato ravo richaenderera mberi nehurongwa hwaro sekuronga kwavo vachiti vachaenda nezvimbuzi zvekutakura, kana kuti Mobile Toilets. VaSiziba vati CCC ibato iri pamutemo.

Vatiwo zviri pachena kuti mapurisa ave kushandiswa nebato riri kutonga reZanu PF kuita zvematongerwo enyika.

VaGift Siziba veCitizens Coalition For Change
VaGift Siziba veCitizens Coalition For Change

Asi mutauriri weZanu PF, VaChris Mutsvangwa, vaudza Studio 7 kuti bato reCCC rinofanira kutevedza mutemo nekunatsurudza hukama hwaro nemapurisa.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti mvumo yekuita misangano yezvematongerwo enyika kana kuti maRally inopihwa nevakuru vemapurisa mudunhu iroro, kana kuti Officer Comanding District, uye kana mvumo isina kupihwa vanenge vachirongwa musangano vanofanirwa kunotaurirana nemukuru wemapurisa. Vati kana izvi zvaramba vanokwanisa kuenda kumatare edzimhosva.

VaNyathi vati CCC ine nzvimbo dzakawanda dzayakapihwa mvuno yekuita musangano nemapurisa.

Svondo rino chete mapurisa akarambidza CCC kuita misangano kuChiredzi neZaka uye kwayakabvumidzwa misangano yaimiswa isati yapera.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commisioner Paul Nyathi -Police
Mutauriri wemapurisa, Assistant Commisioner Paul Nyathi -Police

Masvingo mapurisa abvuma kuti bato rinopikisa iri rite musangano waro panzvimbo iri pedyo neNyajena Primary School, asi achiti nhengo dzeCCC hadzifaniri kuita ma slogan, kuita toyi-toyi, kumanikidza vanhu kuenda kumusangano uyu, kana kutakura vanhu kuvaendesa kumusangano.

Izvi zvinotika apo bato reZanu PF riri kubvumidzwa kutakura vanhu kuenda kumisangano yaro.

Mangwana bato iri riri kushandisa mabhazi mazana mashanu kutakura vanhu kuenda kumusangano mukuru uchaitwa nemutungamiriri webato iri vari zvakare mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuMagunje kudunhu Mashonaland West.

VaChris Mutsvangwa naVaTafadzwa Mugwadi veZanu PF.
VaChris Mutsvangwa naVaTafadzwa Mugwadi veZanu PF.

Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitika zvinoratidza kuti sarudzo hadzisi kuitwa zvakajeka.

Izvi zvatsigirwa nemukuru weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya, avo vati zviri pachena kuti bato reZanu PF riri kuvhunduka rutsigiro rwuna VaNelson Chamisa nebato ravo reCCC.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, mutongi wedare reElectoral Court, Justice David Mangota, nhasi vaisa mutongo wavo parutivi pachikumbiro chenhengo yeZanu PF, VaLovedale Mangwana, chekuti vaimbove nhengo yeZanu PF, VaSaviour Kasukuwere, varambidzwe kukwikwidza musarudzo yemutungamiriri wenyika nekuda kwechikonzero chekuti vange vasiri kugara munyika kwemwedzi gumi nemisere yadarika.

Rimwe remagwata aVaKasukuwere, VaHarrison Nkomo, vaudza Studio 7 kuti kunze kwenyaya iyi pane mumwewo munhu anonzi VaGeorge Masters akaenda kudare reHigh Court nechikumbiro chimwechete uye nyaya iyi haisati yanzikwa nedare.

VaSavior Kasukuwere
VaSavior Kasukuwere

VaKasukuwere, avo vari kukwikwidza vakazvimirira, vari kuSouth Africa pari zvino uko vakatizira mushure mekubviswa kwehurumende yevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe nemauto muna 2017.

Asi vakambozodzoka munyika painzwikwa nyaya dzavaipomerwa kumatare edzimhosva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG