Accessibility links

Breaking News

VaKuda Tagwirei Vopomerwazve Mhosva Dzehuori.


Mimosa Mine
Mimosa Mine

Masangano anoongorora nyaya dzehuori anoti re The Sentry ne Open Secrets aburitsa gwaro riri kupomera chipangamazano chemutungamiri wenyika Muzvanafundo Kudakwashe Tagwirei mhosva yekushanda nebhanga guru renyika kuchenesa mari dzakasviba kana kuti money laundering kuti vatenge migodhi miviri inoti Bindura Nickel neFreda Rebecca Gold Mine.

Gwaro iri rinonzi, Fronts, Fakes and Facades. VaTagwirei vanonzi vakatenga migodhi miviri iyi nemari inodarika mamiriyoni makumi matanhatu kana ekuAmerica kana kuti US60 Miillion Dollars.

Studio 7 haina kukwanisa kubata VaTagwerei kana gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo nharembozha dzavo dzange dzisiri kudairwa.

Asi vatagwireyi vakatemerwawo zvirango nehurumende yeAmerica vachipomerwa mhosva dzehuwori.

Nhengo ye ZANU PF vari muno mu America Dr Frenk Guni vanoti hakuna nyika inofumura hapwa kuudza pasi rese kuti vanofambisa sei nyaya dzemari yenyika saka izvi zviri kuitwa chete kuti hurumende ye ZANU PF isvibiswe zita sezvo nyika yatarisana nr sarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vanoongorora nyaya dzezvicherwa, vari mukuru wesangano reCenter for Natural Resources Governance, VaFarai Maguwu vanoti bhanga guru re nyika rapindwa nezvipfukuto sezvo nyaya dzezve zvicherwa dziri kungopindwa nevavati makoronyera nekuda kwehuori hwavanoti hwuri kuitwa nevakuru asi vachihwuvigiridza.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG