Accessibility links

Breaking News

ZEC Yokundikana Kupa Vari Kukwidza Gwaro reVavhoti


Amai Justice Priscillar Chigumba sachigaro weZEC
Amai Justice Priscillar Chigumba sachigaro weZEC

Kunyangwe mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa mukomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission VaUtoile Silaigwana vakaudza vatori venhau kuti vanenge vabudirira kunyoresa kuti vakwikwidze musarudzo vaizopihwa gwaro revavhoti musi wa (21 Chikumi), vanopikisa vanoti havasi vawana gwaro racho.

VaSilaigwana vakati vanhu vaizopihwa gwaro revavhoti repadandemutande kana kuti electronic voters roll.

Asi vachakwikwidza vakamirira CCC kuKuwadzana East, VaCharlton Hwende, vaudza Studio 7 kuti vave nesvondo rese vachienda kuZEC vachitadza kupihwa voters roll.

Asi mukuru weZimbabwe Democracy Institute, Dr Pedzisayi Ruhanya, vaudza Studio 7 kuti vanoona sekuti veZanu PF yatove neVoters Roll kare.

Mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko muZanu PF zvakare vari kukwikwidza vakamirira bato iri kuBuhera West, VaTafadzwa Mugwadi, vati vachakamirirawo gwaro revavhoti.

Mutauriri weZimbabwe Electoral Commission, VaRodney Kiwa vaudza Studio 7 kuti vachakwikwidzwa sarudzo vachapihwa voters roll l uye mukuru anoona nezvesarudzo muZEC, VaUtoile Silaigwana vachazivisa zvakawanda pamusangano wavachaita nevatori venhau nevanoongorora sarudzo nemusi weMugovera muHarare.

Gweta , VaMarufu Mandever vaudza Studio 7 kuti ZEC yavakutotyora kodzero dzevachakwikwidza nekusavapa Voters Roll vachiti vanofanira kuwana gwaro iri nguva ichipo.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG