Accessibility links

Breaking News

VaBiden Vokurudzira Kuomeswa kweMitengo Yekutenga Pfuti Pazuva ReKuwana Kuzvitonga Kuzere


VaJoe Biden
VaJoe Biden

America nezuro yakapemberera makore mazana maviri nemakumi mana nemanomwe kana kuti 247 kubva zvayawana kuzvitonga kuzere kubva kuBritain musi wa 4 Chikunguru 1776.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vakatora mukana wezuva iri kukurudzira dare reparamende kti ridzike mitemo inoita kuti zvisave nyore kuti vanhu vatenge pfuti. Izvi zvinotevera kupfurwa nekuurayiwa kwevanhu vashanu mudunhu rePhiladelphia uye kuurayiwa kwevamwe vaviri kuForth Worth kuTexas nemusi weMuvhuro.

Musi wezuva rekuwanna kuzvitonga kuzere vanhu vakapfurwawo kuMichigan, North Carolina neWashington DC. VaBiden vakati apo nyika yavo iri kupemberera zuva rekuwana kuzvitonga kuzere, vari kunamatira zuva rekuti matunhu emunyika mavo asaite dambudziko riri kukonzerwa nekuurayiwa nekupfurwa kwevanhu nepfuti.

VaBiden nezuro vainge vaine zvirongwa zvakawanda kumuzinda wavo weWhite House zvinosanganisa misangano nesangano redzidzo reNational Education Association vasati vaita mabiko vachigocha nemhuri dzemauto.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvakange zviri mukupembererawo zuva iri. Mukuru we sangano reSouthern African Community USA, Muzvare Omega Tawonezvi vanoti zuva ranhasi rakakosha kuti vanobva kunze vadzidzewo nhoroondo yeAmerica.

vanhu vazhinji kusanganisira zvizvarwa zveZimbabwe zvinotora mukana wezuva ranhasi kuita mabiko nehama neshamwari sezvo riri zororo. Izvi ndizvo zvakaitwa nechimwe chizvarwa cheZimbabwe chinoshanda samukoti kuVirginia, Muzvare Kudzai Moila avo vati vanenge vachitandara nehama neshamwari.

Vachitaurawo nezvezuva iri, chizvarwa cheZimbabwe chinogara muVirginia, Doctor Frank Guni vanova nhengo yeZanu-PF vati mhemberero idzi dzakakosha zvikuru kuAmerica sezvo pasina nyika inoda kugara isina kusungunuka.

Vakafanobata chigaro chasachigaro we bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change mudunhu re North America VaTawanda Dzvokora vati vanoyemura kucherechedzwa kwezuva ranhasi sezvo panenge pasina kumbunyikidza kodzero dzevanhu.

Izvi zvatsinhirwa negweta rinorwira kodzero dzevanhu vari kuTexas, Va Kennedy Masiye vanoti zuva ranhasi rinoratidza kukosheswa kwe mutemo munyika nekuti zvizvarwa zveAmerica zvinopemberera zvisineyi nekuti wabuda mumba maani.

Nyanzvi ye zvehupfumi vachidzidzisa kuchikoro che Devry University kuOhio Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti zuva rekuwana kuzvitonga kuzere rakakosha munyaya dzezvehupfumi.

Chimwewo chizvarwa che Zimbabwe chiri ku Atlanta Georgia, chiri musangano rengochani reLGBTQ, VaStephanie Chinoda vanoti zuva iti rino vayeuchidza kuti dzimwe nyika dzine rusununguko rwechokwadi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG