Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Opomerwa Mhosva yeKurambidza Misangano yeCCC kuChiredzi


Mapurisa kuChiredzi anonzi arambidza misangano miviri yeCCC.
Mapurisa kuChiredzi anonzi arambidza misangano miviri yeCCC.

Mapurisa kuChiredzi anonzi avharisa nhandare yeTshovani umo mutungamiri webato rinopikisa reCCC, VaNelson Chamisa, vanga vachitarisirwa kutaura kunhengo dzebato ravo pamwe nekuzivisa vachakwikwidza musarudzo vakamirira bato ravo.

Mapurisa anonzi abuda nehuwandu hwavo uye akanda hutsi hunokachidza kuparadza vanhu vanga vaungana vakamirira kunzwa mutungamiri wavo vachamisa vachitaura.

VaChamisa vatenda kuStudio 7 kuti misangano yavo miviri yarambidzwa nemapurisa.

Bato rinopikisa iri rinonzi ranga richida kuita musangano waro wekuparura hurongwa hwaro hwekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzegore rino munhandare yeTshovani.

Mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa
Mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa

Asi tsamba yakabva kumapurisa ichinyorerwa Amai Machirairwa Mugidho, avo vanonzi ndivo vaikokera musangano weCCC kuChiredzi Central, yakasainwa naChief Superintendent R. Chihwerera, inoti bato iri ranga risingakwanise kuenderera mberi nemusangano waro nechikonzero chekuti gurukota redunhu reMasvingo, vari nhengo yeZanu PF, VaEzra Chadzamira, vanenge vachivhura zviri pamutemo kiriniki yeRusununguko muChiredzi.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, sezvo vanga vasiri kudaira nharembosha yavo.

Mumwe murwiri wekodzero dzevanhu muChiredzi, VaMarko Shoko, avo vaona zvichiitika, vanoti mapurisa ashandisa hutsi hunokachidza pakuparadza vatsigiri veCCC vanga vaungana kuti vasangane nemutungamiri wavo.

VaShoko vanoti mwana wechikoro mumwechete akanganiswa nehutsi uhu uye vamubatsira kuti asvike kuvabereki vake.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG