Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusoro Roshora Mejastiriti Pakutonga Kwaakaita Muzvare Mamombe neVamwe Pavakapambwa


Muzvare Mamombe, Marova naChimbiri
Muzvare Mamombe, Marova naChimbiri

Mumiriri weHarare west mudare reparamende Muzvare Joanna Mamombe naMuzvare Cecilia Chimbiri vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change vanzi nedare repamusoro nhasi havana mhosva panyaya yavange vachipomerwa yekuti vakanyebera kuti vainge vapambwa ndokumbunyikidzwa pamwe naMuzvare netsai marova muna 2020.

Muzvare Marova vakabuda munyika nyaya iyi isati yapera. Dare rati vachuchuchusi nemapurisa havana kuferefeta nyaya iyi zvakanaka zvekuti vakwanise kurovorera vaviri ava nemhosva.

Vange vaendeswa kumatare negweta ravo VaAlec Muchadehama vanova nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights mukuru wemamejastiriti Amai Faith Mushure, nevachuchusi vehurumende.

VaMuchadehama vainge vakumbira dare repamusoro kuti ripindire pamutongo waAmai Mushure wekuti vaviri ava vainge vaine nyaya zvekuti vaifanira kupa huchapupu kudare pakapedza vachuchusi kuvaroverera.

Mutongi wedare repamusoro Amai Nyaradzo Mungangati Manongwa mumutongo wavo vakati dare repamusoro hariwanzodi kupindira panyaya dzinenge dzichitongwa mudare repasi kunze kwekunge zvabuda pachena kuti hapasi kutevedzerwa mitemo zvinokanganisa vanenge vachitongwa. Panyaya iyi vakati zviri pachena kuti mutongi akaregerera mapurisa nevafakazi vehurumende vachipa havo humbowo hwaipesana.

Amai Munangati Manongwa vati nyaya iyi yange isina humbowo hwakakwana asi vachuchusi vange votsvaga uta nemugate nekuda kuti Muzvare Mamombe naMuzvare Chimbiri vape huchapupu vachifunga kuti vanogona kuzvisungirira nemhosva.

Hatina kukwanisa kubata muchuchusi mukuru wehurumende advocate ajay singh kuti tinzwe kuti hurumende ichapikisa mutongo uyu here gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vaudza Studio 7 kuti vange vari mudare remakurukota uye vange vasati vapirwa mutongo uyu zviri pamutemo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG