Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yodzidzisa VanaChiremba Mashandisirwo Achaitwa Zvikopokopo Zvakabva kuRussia


Hurumende nhasi yaunganidza vana chiremba nevakoti kubva kuzvipatara zveParirenyatwa Group of Hospitals neSally Mugabe muHarare kuti itsanangure mashandiro anenge achiita zvikopokopo zvakatengwa kubva kuRussia kuti zvishandiswe senhakura varwere kana kuti maambulance.

Asi nhasi pange paine chikopokopo chimwe chete change chichishandiswa semuenzaniwo chatanga kuenda kuParirenyatwa chisati chabhururuka kuenda kuSally Mugabe

Vachitaura pachipatara cheParirenyatwa, vakafanobata chigaro chamabharani mukuru mubazi rezvehutano, VaMaxwell Mareza Hove, vati bazi ravo rakapihwa ndege gumi nembiri nehurumende.

Hazvina hazvo kubuditswa pachena kuti vachashandisa zvikopokopo izvi vachange vachibhadhara here kana kuti kwete.

Asi mumwe chiremba,VaMaxilan Dzowa vati zvichaonekwa nekufamba kwenguva.

Ukuwo mukuru wechikwata chinoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere zvisati zvakomba kana kuti Rapid Diseases Surveillance mubazi rezvehutanoVaAlexandere Goredema vataura zvinofanira kuitwa nevanenge vachida kutakurwa nezvikopokopo izvi.

Asi vaimbova gurukota rezvehutano Doctor Henry Madzorera vanoti kunyangwe zvakanaka kuva nezvikopokopo izvi, hazvibatsire hazvo zvakanyanya kana pasinawo motokari dzinotakura varwere.

Vati, “Kuva nendege dzinotakura varwere hazvina kumboshata, asi zvinoda kuti hujtungamiri huonesane nezvizvarwa zvemunyika kuti chinodiwa chii." Vaenderera mberi vachiti, " Tichiripanyaya dzekuti tinenzvimbo dzisina motokari dzekutakura varwere zvinova zvinofanira kutangwa nazvo,” vakadaro VaMadzorera."

VaTapiwa Nyakudya vanova dhokotera mukuru anoona nezvenjodzi pachipatara cheParirenyatwa, vati zvikopokopo zvakatengwa nehurumende zvichaita kuti kutakurwa kwevarwere kuite nyore kunzvimbo dzese dzemunyika.

Vamwe muRussia vanoti zvikopokopo izvi zvakangopihwa hurumende sechipo kupemberera bhavhudhe remutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nekuvatenda nekutsigira Russia.

Asi hurumende yeZimbabwe inoti yakatenga zvikopokopo makumi matatu nezviviri uye gumi zvakatopinda munyika zvimwe zvichauya mumakore anotevera.

Zvinonzi zvichashandiswawo kuchengetedza mhuka dzesango uye pazvirongwa zvekushanyirwa kwenyika kuMana Pools neVictoria Falls. Hurumende inoti ichabhadhara mari inosvika mamiriyoni mazana matatu nemakumi maviri kana kuti US$320 million kutenga zvikopokopo izvi.

Asi vamwe vanoti kukurumidza kuendesa varwere kuchipatara kusina mishonga, vakoti navanachiremba hakuna zvakunobatsira.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG