Accessibility links

Breaking News

Nyaya Yekuti Madzimai Obvisa Nhumbu Zviri Pamutemo Here Yokonzera Mutauro


Mamwe masangano ezvitendero emuAmerica asingatenderane nenyayaya yekuti madzimai nevanasikana vabvumidzwe kubvisa nhumbu zviri pamutemo anonzi ave kuenda kuAfrica kunokurudzira nyika dzine maKristu akawanda kuti dzisatenderi nyaya yekubvisa nhumbu.

VemuAmerica ava vari kuita izvi mushure mekunge dare repamusoro soro munyika iyi reSupreme Court rapa mutongo wekuti kubvisa nhumbu hakusi pamutemo.

Asi mutongo uyu unonzi wakakatyamadza vanhu vemuAfrica vari kuda kuti zvibvumidzwe kubvisa nhumbu zviri pamutemo nekuti Africa ndiyo ine nhumbu dzakawandisa dzinobatwa mudzimai asingadi kana kuti asina kugadzirira zvinova zvikamu makumi manomwe nemanomwe kubva muzana kana kuti 77%. Nyika dzakaita seMalawi hadzitendere kubvisa pamuviri.

Nyika dzakaita seBenin neNigeria dzinobvumidza kana hupenyu hwaamai huri munjodzi. Kusatenderwa zviri pamutemo uku kunonzi kunopa kuti madzimai apedzisire abvise nhumbu nenzira dzinopinza hupenyu hwavo munjodzi vamwe zvikamu gumi nezvitanhatu vachizoguma vafa.

Nyika dziri mugungano reEast African Community, dzinoti Burundi, Congo, Kenya, Rwanda, South Sudan, Tanzania neUganda dziri kuzeya mutemo wekuti dzobvumidza here madzimai kubvisa nhumbu kunyangwe dziri kukurudzirwa nekereke yeRoman Catholic kuti dzisaite izvi kunyangwe hupenyu hwaamai huri munjodzi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG