Accessibility links

Breaking News

Vakauraya Tapiwa Makore (7) Vachida Kuromba Vobatwa neMhosva


Vanhu vachiratidzira kutsigira mhuri yaTapiwa Makore
Vanhu vachiratidzira kutsigira mhuri yaTapiwa Makore

Dare reHigh Court nhasi rabata Tafadzwa Shamba naTapiwa Makore Snr nemhosva yekuuraya Tapiwa Makore mwana wehama yavo muna Gunyana 2020.

Chirango chevaviri ava chichaturwa musi wa12 mwedzi unoouya. Tapiwa akaurayirwa kwaMurehwa. Akavigwa asina musoro sezvo usina kuzivikanwa kuti wakaendeswa kupi.

Mutongi wedare, Justice Munamato Mutevedzi, vabata Shamba nemhosva yekuuraya Tapiwa uye Tapiwa Makore Snr anove babamukuru vemufi, abatwa nemhosva yekubatsira kuponda.

Vachitaura mushure mekubatwa nemhosva kwevaviri ava, baba vemufi, VaMunyaradzi Makore vatiw kunyange vaviri ava vabatwa nemhosva, chino rwadza ndechekuti mwana wavo haachadzoka.

Vati, "Chinorwadza ndechekuti mwana haachadzoka saka marwadzo acho haaperi. "Amai VaTapiwa, Amai Linda Munyori vati vanovimbqa kuti zvaitika mudare pamwe nechirango chichapihwa zvichavanyaradza. Vati, "Sezvo musina mutemo wekuti vanhu vanotongerwa rufu, ini ndiri kushuvira kuti ngavagare kujeri kwehupenyu hwavo hwese."

Rimwe gweta revasungwa, Muzvare Mutsa Chivandire vati chasara kuti vaviri ava vasvitse kudare zvichemo zvinoita kuti vapihwe mutongo wakareruka. Muzvare Chivandire vati, " Vakomana vabatwa nemhosva saka pave kuda kuda kuti vacheme cheme kudare kuti vanzwirwe tsitsi pakutongwa kwavachaitwa."

Dare rabata Shamba nemhosva mushure mekunge abvuma kuti ndiye akapamba mwana akaenda naye kumba kwaMakore Snr uko akanomumwisa kachasu ndokuzomucheka musoro makumbo nemaoko achibatsirana naMakore Snr vachiita zvekuromba kuti bhizimisi ravo ribudirire.

Dare rati humbowo hwaShamba hunoratidza pachena kuti ndiye akauuraya mufi uyewo mbatya dzaakashandisa dzaive neropa dzakaunzwawo kudare sehumbowo.

Vatiwo kunyange ruoko rwaMakore Snr rusingaoneki zvakajeka pakuurawa kwemufi pane humbowo hunoratidza pachena kuti akabatsira pakufa kwake nekuita zvinhu zvakaita sekutenga kachasu kaakamwiswa pamwe nekushandisa imba yaakachengeterwa asati auurawa husiku hwa17 Gunyana 2020.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG