Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi yeMijaho yeMabhasikoro, Pressmore Musundi, Otarisira Kunokwikwidza kuMakwikwi ePamusoro Mushure meKukunda muMakwikwi eMunyika


Pressmore Musundi
Pressmore Musundi

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, taita zvakare hurukuro naPressmore Musundi ari muSouth Africa, uyo anokwikwidza mumutambo wekuchovha mabhasikoro.

Musundi, uyo akaberekwa akaremara tsoka dzake, takamboita naye hurukuro mwedzi mishoma yadarika achitsvaga rubatsiro kuti akwanise kunokwikwidza mumakwikwi aiitwa kuZimbabwe muna Kubvumbi naChikumi.

Anoti anofara zvikuru nerutsigiro rwaakawana uye akabudirira kunokwikwidza mumakwikwi anosanganisira eZimbabwe National Mountain Bike and Road Championship, ayo akaitirwa kuChishawasha mwedzi uno.

Ndiye akabuda ari shasha mushure mekukunda vamwe vose zvakaita kuti asarudzwe kupinda muchikwata chichanomirira nyika kuUCI Cycling World Championships 2023 kuGlasgow, kuScotland, muna Nyamavhuvhu gore rino..

Asi Musundi anoti ari kutsvaga zvakare rubatsiro rwekuti akwanise kuenda kumakwikwi aya pamwe nemamwe emuAfrica ari kuuya zvakare.

Vanoda kubatsira Pressmore vanokwanisa kumubata panhamba dzake dzenhare dzinoti +27 78 270 2330, kana patsambambozha inoti pressmoremusundi@gmail.com

please wait

No media source currently available

0:00 0:09:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG