Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotatsurana NeOman MuICCC Super Six World Cup Qualifier Nhasi


Zimbabwe iri kutamba neOman nhasi kuQueen’s Sports Club muBulawayo muchikamu cheICC Suoer Six World Cup Qualifier.

Zvimwe zvikwata zvapinda muSuper Six iNetherlands, West Indies, Sri Lanka neScotland.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muZimbabwe Cricket VaDarlington Majonga vanoti vari kufadzwa nematambiro ari kuita chikwata chavo uye vanotarisira kuti chichukanda chigozobudirira kuenda kumakwikwi eWorld Cup kuIndia gore rino.

VaMajonga vanoti sangano ravo rakashanda zvakasimba kuti mutambo uyu ubudirire munyika uye vari kufadzwa nerutsigiro rwavari kuwana kubva kune veruzhinji vanofarira mutambo weCriket. Vanoti kukunda kuri kuita chikwata cheZimbabwe pari zvino kuri kuita kuti veruzhinji vabude nehuwandu hwavo kuzovatsigira.

Zimbabwe Cricket
Zimbabwe Cricket

"Tiri kufadzwa nemabudiro ari kuita veruzhinji uye pamitambo yedu yakatambirwa kuHarare svondo rino takatowedzera nzvimbo dzekuti vanhu vawne mutambo sezvo nhandare yedu yakaita diki. Vaenderera mberi vachiti, "Nzvimbo idzi dzinonzi ma viewing parks," VaMajonga vaudza Studio7.

Vanoti vari kuwana rutsigiro rwakasimba kubva kuhurumende sezvo iri iyo iri kuchengetedza nyika dzose dziri mumakundano aya.

"Shuwiro yedu ndeyekuti mutambo uyu utekeshere kune dzimwe nzvimbo dzekumaruva munyika. Asi parizvino tiri kufara nerutsigiro rwurikubva kuhurumende. Tinoda kuti mutambo wecricket uve mutambo wekutanga munyika uye ticharamba tichiita zvese zvatinogona kuti chikwata chedu chirambe chichitamba zvinonwisa mvura," VaMajonga vaenderera mberi.

VaMajonga vanoti vane tarisiro yekuti vagari vemuBulawayo vachabuda nehuwandu hwavo kunokurudzira chikwata chavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG