Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa naVaChamisa Votsvaga Rutsigiro Zvakasimba Pamberi peSarudzo


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Mapato maviri akanyoresa vanhu kuti vakwikwidze musarudzo dzemusi wa 23 Nyamavhuvhu anoti reZanu-PF neCitizens Coalition for Change kana kuti Tripple C ari kuenderera mberi achitsvaga rutsigiro. Asi vamwe vapfumbamwe vakanyoresa kupinda musarudzo dzemutungamiri wenyika havasati vanyatsoparura hurongwa hwavo zviri pamutemo.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vakakundwa musarudzo dzemuManicaland nemutungamiri webato reCCC VaNelson Chamisa nezuro vainge vari mudunhu iri kuChipinge.

VaMnangagwa vakaudza zviuru zvevanhu zvakapinda pagungano iri paMutema High School kuti vanhu vanofanira kuvhotera bato ravo kuti vachengetedza nhaka yavo.

Asi chii chaizvo chakapa kuti bato iri riparure hurongwa hwaro kuManicaland? Mutauriri webato iri VaChris Mutsvangwa vaudza Studio 7 kuti vaidawo kuremekedza mutungamiri wekutanga webato ravo Reverend Ndabaningi Sithole avo vakapihwa chiremera chegamba kwapera makore anoda kusvika makumi maviri nematatu vashaya vakanzi havasi gamba renyika nebato iri iri rakazodududza.

Patavabvunza kuti hazvisi zvekungoda kutsvaga rutsigiro here, VaMutsvangwa vati hapana chakaipa kuita izvozvo.

Vachitaurawo pagungano iri, VaMngagwa vakadzokera pamashoko avo avanogara vachitaura ekuti zvirango zvavakatemerwa hazvisi kuzovakanganisa kutungamira nyika.

Asi vakatemera zvirango izvi vakaita sehurumende yeAmerica vanoti zvakatemerwa nenyaya yekuti VaMngangagwa vanotonga nedemo uye kuita huori.
VaMnangagwa vakatiwo vanofanira kupihwa mukana wekuramba vachitonga vachiti kubvira pavakakunda musarudzo dza2018 hurumende yavo yavandudza hupfumi nemagariro evanhu munyika kuburikidza nezvivakwa. Asi havana kutaura pamusoro pekukwira kwemitengo yezvinhu pamwe nehuwori.

Murongi wemusangano muZanu PF Doctor Mike Bimha, vanoti hazvinetsi kutsvagira Zanu PF rutsigiro nekuti hurumende yaVaMnangagwa yasimudzira hupenyu hwevanhu.

Vachamirira Kuwadzana East musarudzo VaTellme Majabvi vanoti VaMnangagwa vakavapa gwara rekukunda musarudzo.

Asi vachakwikwidza vakamirira bato reCitizens Coalition for Change muKuwadzana East, VaCharlton Hwende vaudza Studio 7 kuti hapana chingaite kuti vanhu vavhotere Zanu PF munzvimbo iyi uye vachakunda zvine musarudzo mutsindo.

Mutauriri webato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change, Advocate Fadzayi Mahere vaudza Studio7 kuti bato ravo ratangawo kutsvaga rutsigiro uye richakunda musarudzo.

Nhasi mutungamiri webato iri ange ari kuSouth Africa achitaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi. Mutevedzeri wemutauriri webato iri VaOstallos Siziba vati zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kuita basa guru kubatsira bato ravo nezvikwanisiro.

Pane vanhu vanodarika mamiriyoni matanhatu nezviuru mazana mashanu vakanyoresa kuvhota musarudzo dzichaitwa musi wa23 Nyamavhuvhu uye Zanu inotarisira kuwana mavhoti mamiriyoni matanhatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG