Accessibility links

Breaking News

Huwandu HweVari Kukwikwidza Musarudzo dzeMutungamiri weNyika Hunogona Kuwedzera Sezvo ZEC Yawedzera Nguva Yekunyoresa


Kasukuwere
Kasukuwere

Huwandu hwevanhu vachakwikwidza musarudzo dzemutungamiriri wenyika muZimbabwe hunogona kukwira mushure mekunge komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission (ZEC) yawedzera nguva yekutambirwa magwaro kuitira kuti vese vakasangana nematamabudziko pakubhadhara mari dzavo vakwanise kuita izvi.

Muchiziviso nhasi, mukuru anoona nezvesarudzo muZEC, VaUtoile Silaigwana, vati vanhu ava vapihwa mukana wekgadzisirisa nyaya dzavo kusvika nenguva dza4 nhasi masikati.

Asi mutungamiriri webato reLabour, Economists and African Democrats (LEAD) Muzvare Linda Masarira vaudza Studio 7 ZEC yanonoka kuvazivisa si vange vave kumhanya mhanya kuti vanobhadhara mari yakasara nezuro. Muzvare Masarira vati, “Vabuditsa Notice yavo mabhangi avharwa saka ndiri kutomhanyira kuNomination Court kwacho kuti ndinonzwa kuti proof of payment yepafoni vanoitora here, kana vachinge vabvuma ndobhadhara mari yacho.”

Mutungamiriri webato reUnited Zimbabwe Alliance, Amai Elisabeth Valerio vaudza Studio 7 kuti vari kuronga kuenda kumatare kuti vabvumidzwe kuisa mapepa avo kuti vakwikwidze musarudzo.

VaBlessing Kasiyamhuru veZimbabwe Partnership for Prosperity Party vaudza Studio 7 kuti mari iri kudiwa neZEC yakawandisa. VaKasiyamhuru vati, “Takakwanisa kubhadhara yacho iyo USS20 000, yangwe zvayo yakati nyanyei hazvina hazvo basa nekuti tinoda nyika yedu.”

Kana Amai Masararira naAmai Valerio vakakwanisa kubhadhara nhasi, zvinoreva kuti huwandu hwevanhu vari kukwikwidza huchakwira kubva pavanhu gumi varipo pari zvino.

Gumi ava ndevanoti, VaEmmerson Mnangangwa veZanu PF, VaNelson Chamisa veCitizens Coalition for Change , VaLovemore Madhuku National Constitutional Assembly, VaDouglas Mwoznora veMovement for Democratic Change, VaJoseph Makamba Busha veFreezim Congress, VaTrust Chikohora veZimbabwe Coalition for Peace and Development, VaBlessing Kasiyamhuru veZimbabwe Partnership for Prosperity Party, VaHarry Peter Wilson veDemocractic Opposition Party , VaSavior Kasukuwere avo vakazvimirira uye Doctor Gwinyai Muzorewa veThe UANC party.

Asi VaKasukuwere vaudza vatori venhau kuti vanogona kukumbira SADC kuti ivachengetedze kuti vakwanise kutsvaga rutsigiro. Vanoti vari kutya kuti vanogona kusungwa sezvo pakamboita runyerekupe rwekuti vaida kudzoka kuZimbabwe hurumende iri kupomerwa mhosva yekutumira mauto nevasori paRobert Mugabe International Airport. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika Amai Oppah Muchinguri Kashiri kuti tinzwe divi ravo.

Mutauriri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change yaVaMwonzora, VaWitness Dube, vaudza Studio 7 kuti vanzwa nezvechiziviso cheZEC uye vange vave kugadzirira kudzokera kudare reNomination Court kuti vanyoresa nhengo dzavo dzakatadza kubhadhara nezuro.

VaDube vaudza Studio 7 kuti, “Nanhasi tichiri kutaura navo, kana zvakaona, tinongoenda kumatare edzimhovs kuti tinopihwa mvumo yekubhadhara tozokuudza kuti vanganai vatagona kupinza,”

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kunzwa kubato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change sezvo vakafanobata chinzvimbo chemunyori anoona nezvesarudzo, VaIan Makone vange vasiri kubatika panharembozha yavo. Mutauriri webato iri Muzvare Fadzayi Mahere vange vasati vapindura mibvunzo yedu.

Zvichakadai vanoona nezvekurongwa kwemisangano muZanu PF, VaMike Bimha, vaudza vatori venhau muHarare kuti nhengo dzavo dzese dzichakwikwidza musarudzo uye vanofara kuti vakabuda vasina kukwikwidza mumaWard makumi mashanu nematatu.

“Tinofara kuti kune zvinzvimbo 53 vakapinda vasina unokwikwidza. Saka ikozvino tatoisa muhomwe 53 Seats taakutopembera.”

Vatiwo bato ravo richaparura gwaro rezvavarikuda kuitira vanhu kana kuti Manifesto pamwe nehurongwa hwavo hwekutsvaga rutsigiro musarudzo nemusi weMugovera kuChipinge uye vase vachamirira bato vachange varipo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika zvakare vari mukuru weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya vaudza Studio 7 kuti hapana chakaipa kuti ZEC ipe mukana kune vakatadza kubhadhara mari asi kuti vanhu vanofanira kungwanirira.

“Tinofanira kuchenjererea tisati tatanga kupembedza kuti ZEC yadai nekuti munoburirwa chidhuura chevanhu chamCandidates asingazikanwi,”

Mutauriri weZEC, VaRodney Kiwa, vanoti vakamirira kuudzwa nevashandi vavo kuti zvakafamba sei pamaNomination Court ese munyika. VaKiwa vabvumawo kuti dare rePresidential Nomination Court richakavhura kugadzirisa matambudziko akasangana nevamwe vanoda kupinda musarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG