Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotangazve Mangwana Kuvhiya Vane Zvirwere zveMoyo, Mushure Mekumbomira kweMakore Mana Nekushaya Mari


Zimbabwe iri kutarisirwa mangwana kutangazve kuvhiya vanhu vanorwara nechirwere chemoyo kana kuti “heart surgery” kuchipatara cheParirenyatwa muHarare. Pachatanga nekuvhiyiwa munhu mumwe chete.

Nyika yakapedzisira kuita izvi mugore ra2018 nekuda kwekushaya zvikwanisiro zvakaita semishonga nemichina.

Vari kutungamira hurongwa uhu, inyanzvi yezvirwere zvemoyo Dr Simukai Machawira (Specialist Cardiovascular and Thoracic surgeon) vaudza Studio 7 kuti vane chikwata chevanhu gumi nevashanu chinosanganisira vakoti navanachiremba vachange vachibata basa mangwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vari muchikwata ichi vose zvizvarwa zveZimbabwe. Imwe nyanzvi munyaya dzezvehutano, Dr Simbiso Ranga vanogara muNorth Carolina, America vaudza Studio 7 kuti kurapa zvirwere zvemoyo kunodhura asi zvakakosha kuti hurumende iise mari parutivi nekuti hapana nyika inobudirira kana vanhu vasina hutano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG