Accessibility links

Breaking News

VaChamisa naVaMnangagwa Vanonzi Vatoendesa Mapepa eKukwikwidza Musarudzo.


Mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission (ZEC) inoti yagadzirira sarudzo dzegore rino uye matare ekutambira magwaro evachakwikwidza, kana kuti maNomination Court achagra mangwana mumatunhu akasiyana munyika kutanga nenguva dza10 mangwana kusvika neknguva dzamasikati uye dare revanoda kupinda misarudzo dzemutungamiriri wenyika richagara kudare reHigh Court muHarare.

Asi mutungamiriri webato reZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa pamwe nemumiriri webato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa vatoisa mapepa avo ekukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika. VaChamisa vantora padandemutande ravo reTwitter kuti mapepa avo atotambirwa.

VaSilaigwana vati havakwanisi kutaura kuti vaviri ava vaisa magwaro avo here vachiti izvi zvirikuitwa kumaNominatiin Courts. Vati ZEC inokwanisa chete kutaura izvi kana Nomination Court ichinge yaongorora magwaro avo pamwe nekuona kuti vanokodzera here kukwikwidza musarudzo.

Izvi zvaziviswa nemukuru anoona nezvesarudzo muZEC, kana kuti VaUtoile Silaigwana pamusangano wavaita nevatori venhaunhasi. VaSilaigwana vati, “Gadziriro dzesarudzo dzave pamusoro zuva ranhasi musi wa20 June tagadzirira kuti mangwana musi wa21 maNomination Courts anenge kagara achitambira magwaro eavo vanenge vachida kukwikwidza.” Vatiwo, “Matare aya achavhura na10 achivhara na4pm.”
Vati vese vanoda kupinda musarudzo.vanofanira kuona kuti vakanyoresa kuvhota mumatunhu vanovhotera.

Vatiwo munhu wese anenge ave muNomination Court na4pm achabatsirwa.
“Kana wasvika 4 asati achaya une zvinoda kugadziriswa, zvinogadziriswa kunyange 4 yachaya. Asi 4 ikachaya usati wasvika unenge usina kodzero yekwikiwdza, ” VaSilaigwana vaudza Studio 7.

VaSilaigwana vati vese vanenge vabudirira mangwana panzvimbo zana nenhatu dzekutambira magwaro evanods kukwikwidza, vachipihwa gwaro revhoti pachena.

Sarudzo idzi ndedzemutungamiriri wenyika, paramende, makanzura pamadzishe pamwe nevanorarama nehurema.

Vatiwo ZEC yakatozivisa mapato ezvematongerwo enyika pamwe nevase vanoda kupinda musarudzo kana kudziongorora nezvehurongwa hárip kutanga mangwana. Vaenderera mberi vachiti, “Zvese izvi tanage tichingishambadza tichishandisa maradio materevhizheni nezvimwe zvakadaro nemavhota educators ange achifamba achidzidzisa vanhu.”

Sachigaro werimwe sangano rinoongorora sarudzo reZimbabwe Elections Support Network, VaAndrew Makoni vaudza Studio 7 kuti naivo vagadziririrawo kungorora hurongwa hweZEC kutanga mangwana.
VaMakoni vati, “Tamirira isu kuti tione kuti maNomination Court achavhura nguvai, uye kuti vao varikuda kuti vakande mapepa avo vapihwa mukana wkakwana here uye kuti zvinoda kugadziriswa zvagadziriswa here.” Vatiwo, Saka tagadziriria kuti tiongorore hurongwa huri kutanga mangwana.”

Vati pane vanhu mamiriyoni matanhatu nemazana mashanu ezviuru vakanyoresa kuvhota, uye vanhu ava vachavhotera panzvimbo zviuru gumi nezviri munyika yese.

Vazivisawo kuti zvichitevera Constitutional Aemnent Number 2, pasarudzo idzi pachavhoyerwawo vechidiki gumi pamwe nezvikamu makumi matatu kubva muzana pamakanzuri ese munyika

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG