Accessibility links

Breaking News

Bato Rinopikisa reCitizens Coalition for Change Ropeta Hurongwa hweKushara Vacharimirira muSarudzo Gore Rino neMugovera


Munyori anoona nezvekurongwa kwemusangano muCCC, VaAmos Chibaya
Munyori anoona nezvekurongwa kwemusangano muCCC, VaAmos Chibaya

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rinoti mukupera kwesvondo rino riri kupeta hurongwa hwaro hwekushara nhengo dzicharimirira musarudzo dzegore.

Vakafanobata chigaro chemunyori anoona nezvekurongwa kwemisangano muCCC, VaAmos Chibaya, vanoti bato ravo rakatopedza kare hurongwa uhwu mune mamwe matunhu ose emunyika uye neMugovera vanenge vachipeta chirongwa ichi mudunhu reHarare rinove ranga rasara chete.

“Kupera kwesvondo rino tiri kupeta hurongwa hwekuve nevamiriri mudunhu reHarare. Nyika yese takatopedza, tave navo,” vanodaro VaChiyaya.

Izvi zviri kuuyawo apo matare ekutambira mazita evachakwikwidza musarudzo ari kugara munyika yose neChitatu chinouya, unove musi wa21 Chivabvu.

VaChibaya varambawo mashoko ekuti hutungamiri hwebato ravo huri kudzimikira vahunoda kuti vamirire bato musarudzo dzemusi wa23 Nyamavhuvhu idzi huchidzura nhengo dzakasarudzwa nevanhu.

Nyaya yemakandidheti, makandidheti edu akabva kuvanhu. Vanhu vagere kumaruzevha, vanhu vagere kumapurazi ndivo vanosarudza. Hapana mumiriri anoitwa imposed nekuti ma citizens ndiwo anoshara vanhu," vanodaro VaChibaya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG