Accessibility links

Breaking News

VaPhilip Mutandwa Vowana Chouviri NeKurima Maruwa muHarare


Vanhu vakawanda mumguta vanoti vava kuita basa rekurima pamwe nekutengesa maruwa izvo zviri kuita kuti vakwanise kuraramisa mhuri dzavo pamwe nekupinza vamwe vanhu mabasa ekushanda munzvimbo diki dziri kurimwa maruwa.

Mumwe wevanhu ava, ndiVaPhillip Mutandwa, avo vanorima maruva muMabelreign.

VaMutandwa vanoti vanopinza vanhu vakawanda basa kana mwaka mvura wemvura wakanaka.

VaMutandwa vanoti vanoshuvira kuti varambe vachiwedzera vanhu vanovashandira kuitira kuti bhizinesi ravo risimukire.

VaMutandwa vanowana mari yakanaka kubva mumaruva avanotengesa zvichienderana nekuti mvura inenge yakanaya zvakadii mwaka wacho.

VaMutandwa vanoti kana kusina mvura yakawanda, vanomisa basa vamwe vashandi vavo , vosara nevaviri, Muzvare Pretty Ncube naVaDaniel Chipwani.

Muzvare Ncube vanoti ivo vakatomboshanda basa remakombuta vasati vawana basa kwaVaMutandwa.

Mumwe murimi, VaLazarus Makwarimba, vanoti nguva zhinji vanozviitira basa ravo vega.

VaMakwarimba vanoti basa ravo riri kuvawanisa mari yakanaka nguva dzose panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvaknaka munyaya dzehupfumi.

Mumwe murimi wemaruwa muHarare, VaWisdom Ndlovhu, vanoti ivo havachisina pfungwa yekubayirwa chitupa nemakambani sezvo vari kurarama zvakanaka kuburikidza nekurima nekutengesa maruwa.

VaNdlovu vanoti kurima maruva chipo chavakawana kubva vavo. Vanhu vakawanda munyika vari kuzviitira mabasa emaoko sezvo mabasa ari kunetsa kuwana munyika.

Sangano reZimbabwe Congress of Trade Union rinoti vanhu vanodarika zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana, havana mabasa zvichitevera kuvharwa kwemakambani nemafekitori nekuoma kwezvinhu munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG