Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba Voshushikana neHuwandu hweVana Vari Kubatwa neChirwere cheShuga


Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti dziri kushushikana zvikuru nenyaya yekukwira kwehuwandu hwevana vadiki vari kurwara nechirwere cheshuga kazhinji zvichikonzerwawo nezvinhu zvinogona kugadziriswa kana kurapwa paine nguva vanhu vakapota vachiongororwa.

Mumwe chiremba, Dr Life Zambezi vanoti huwandu hwevana vari kubatwa nechirwere cheshuga huri kukwira nekudawo kwekuti vana vave kuswera vakagara vachina terevhizheni kana kutamba matambo yepachivhitivhiti vasingaende panze kunotamba zvaiitika kare.

Vanotiwo chimwe chikafu chiri kupihwa vana chave kukanganisa hutano hwavo zvokonzera kuti varware nechirwere cheshuga kana kuti Type 2 diabetes mellitus.

Doctor Zambezi vaenderera mberi vachiti vana ivava vanoguma vaita muviri wakakurisa kana kuti obese pachirungu izvo zvinozovhiringidza hutano hwavo.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Josephat Chiripanyanga vaudzawo Studio 7 kuti chirwere cheshuga chinogona kubata mwana asati azvarwa zvozokanganisa hutano hwake.

Doctor Chiripanyanga vatiwo vanamai vakazvitakura vanedenda reshuga vanofanira kunobatsirwa kuzvipatara kunenyanzvi dzehutano kwete kumakirinika.

Imwe nyanzvi yezvehutano inoshandira zvipatara zvehurumende isina kuda kudomwa nezita vaudza Studio 7 kuti mamwe madzimai anogona kuita chirwere cheshuga panguva yaanenge akazvitakura ozoitwa oparesheni pakusununguka nokuti mwana anenge akakurisaa.

Amai Revai Mandizvidza vanoti zvimwe zvikoro hazvisi kukoshesa mitambo yakasiyana siyana inogwinyisa miviri yevana.

Sangano reWorld Health Organisation kana kuti who rinoti chirwere cheshuga chinogona kukuvadza tsinga dzinofambisa ropa kumoyo, tsinga dzekumaziso, netsinga dzekuitsvo zvokuti vanhu vanodarika mazana mana emamirioni vanedambudziko redenda reshuga pasi rose

Tsvagurudzo yakaitwa zvakare nesangano reDiabetic Association of Zimbabwe, inoti kusaongororwa kwevakawanda chirwere ichi ndiko kunopawo kuti vamwe vagume varwara nezvirwere zvemoyo, hupofu kana kuguma vadimburwa makumbo.

Sangano iri rinoti vanhu gumi kubva muzana munyika vanorwara neshuga uye zviuru zana kana kuti 100 000 yevanhu vanorapwa denda reshuga pagore muzvipatara zvehurumende.

WHO inoti chirwere cheshuga chatove dambudziko guru pasi rose zvokuti vanhu mamamirioni mazana mana nemakumi maviri nevaviri kana kuti 422 milion varikurarama nedenda reshuga.

Sangano iri rinoti zvakare vanhu miriyoni imwechete nemazana mashanu kana kuti 1,5 million vanofa pasi rose pagore nekuda kwechirwere ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG