Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika VaMnangagwa Vopomere Vanopikisa neNyika dzeKumawirira Mhosva yeKukonzeresa kuKwira kweMitengo yeZvinhu


Mutungamiri weZanu PF vari zvakare mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa neChishanu vakapomera nyika dzekumadokero pamwe nemapato anopikisa mhosva yekushanda pamwechete kuti mitengo yezvinhu ikwire munyika senzira yekuvarwisa kuti vasavhoterwe zvakare musarudzo dziriko musi wa 23 Nyamavhuvhu gore rino.

Vachitaura pamusangano wavaita nevechidiki vebato ravo vari kuvhota kekutanga gore rino warongwa neboka reYoung Women 4 ED munhandare yeMucheke muMasvingo, VaMnangagwa vati nyika dzekumadokero dziri kuda kuvadonhedza pasarudzo kubudikidza nekurwisa simba redhora remunyika zviri kuita kuti mitengo yezvinhu iite chamurambamhuru muzvitoro.

Vanobatsira munjodzi kuMasvingo
Vanobatsira munjodzi kuMasvingo

Vati mitengo iyi iri kukwidzwa nekuti vanoda kuti vanhu vemuZimbabwe vatambure vozovapandukira kuitira kuti vekumadokere vapinze mapato anopikisa kuti vadzoke munyika kuzomora hupfumi hwenyika, kunyanya zvicherwa.

Izvi zvatsinhirwa negurukota redunhu reMasvingo, VaEzra Chadzamira.

VaMnangagwa vakurudzira vechidiki vari kuzovhota kekutanga kuti vaite izvi murunyararo vachiti bato ravo rakura, havachadi zvemhirizhonga, vakati kunyange nyika dzekumadokero dzikashanda nemapato anopikisa kurwisa hupfumi hwenyika vanongokunda chete musarudzo.

Asi mutevedzeri wemunyori anoona nezvesarudzo mubato rinopikisa reCCC, Muzvare Ellen Shiriyedenga, varamba mhosva iri kupomerwa bato ravo naVaMangagwa, vachiti chiri kuuraya nyika nekukonzera kukwira kemitemo kutadza kwebato reZanu PF kutungamirira nekuva nemitemo yakanaka yezvehupfumi hwenyika.

Vanhu vapinda mumusangano weZanu PF ku Masvingo
Vanhu vapinda mumusangano weZanu PF ku Masvingo

Muzvare Shiriyedenga vati chiri kuwondomora hupfumi hwenyika huori huri muhurumende yeZanu PF kwete ivo nekuti havasivo vanotonga nyika.

Vati ivo Zanu PF iri kuhwanda nemunwe asi iriyo inobira nyika goridhe, mangoda pamwe nezvimwe zvicherwa sezvakafumurwa nenhepfenyuro yeAl Jazeera mumavhidhiyo eGold Mafia.

Muzvare Ellen Shiriyedenga veCCC
Muzvare Ellen Shiriyedenga veCCC

Muzvare Shiriyedenga vatiwo bato ravo rine zvirongwa zvariri kuita zvekugadzirira sarudzo uye kutanga mangwana Mugovera riri kupeta chirongwa chekudoma vacharimirira musarudzo mumatunhu ose emunyika .

Vati kunze kweizvi, vane zvirongwa zvemugwazo apo nhengo dzavo dzinenge dzichipinda muvanhu dzakapfeka ruvara rweYellow kutsvaga rutsigiro mangwana neSvondo.

Sachigaro webato reZanu PF mudunhu reMasvingo, VaRobert Mavhenyengwa, vati VaMangangwa vari kushushikana nedzimwe nhengo dzebato ravo dzakakundwa pasarudzo dzema primary dziri kuda kukwikwidza musarudzo dzakazvimirira, uye vamwe vatsigiri vari kuda kuita bhora musango.

Vachitaurawo pamusangano uyu, sachigaro wesangano reYoung Women 4 ED nyika yose, Muzvare Tatenda Mavetera vati vechidiki vaungana pamusangano uyu vafara chose kuwana mukana wekusangana nemutungamiri wenyika, uye kutarisira kuvhota kekutanga gore rino.

Vechidiki vapinda musangano naVaMnangagwa kuMasvingo.
Vechidiki vapinda musangano naVaMnangagwa kuMasvingo.

Vechidki veZanu PF vauya pamusangano uyu kubva kumatunhu maduku ose manomwe eMasvingo vari mumabhazi eZUPCO nemarhori.

VaMnangagwa vapa munhu wese auya pamusangano uyu tsapo yemakirogiramu gumi eupfu, izvo zvanzi nevanopikisa kutenga mavhoti nechikafu kuri pachena.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG