Accessibility links

Breaking News

Hurumende yaVaMnangagwa Yopa Ruremekedzo rweGamba reNyika Kuna VaNdabaningi Sithole Zviri paMutemo


Reverend Ndabaningi Sithole
Reverend Ndabaningi Sithole

Mhuri yemushakabvu vari gamba rehondo yerusununguko, mushakabvu VaNdabaningi Sithole, inoti inotambira rukudzo rwegamba renyika rwuri kusvitswa kuna baba vavo nehurumende yeZanu PF neMugovera, asi ichiti haina mufaro nemabatirwo avakaita pavakashaya muna 2000.

Mumwe mwana waVaSithole, Doctor Sifiso Sithole-Barrrow, vaudza Studio 7 kuti vanotambira zvaitwa nehurumende uye mhuri yakagadzira kutambira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa mangwana apo vachadzika kuChipinge kunopa zviri pamutemo ruremekedzo rwegamba rehondo yerusunguko nekuisa maruva paguva raVaSithole.

Vatiwo zvinorwadza kuti Zanu PF nehurumende havana kuremekedza baba vavo pavakashaya.

Doctor Sithole-Barrow vati kutambira zvaitwa neZanu PF nehurumende hakurevi kuti mhuri yavo yava nhengo dzeZanu PF.

VaNdabaningi Sithole, avo vakava mutungamiriri wekutanga webato reZanu PF parakavambwa, havana kupihwa rumekedzo rwegamba nevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, uye vakadzingwa mubato iri vachinzi vaive mutengesi.

Asi VaMangagwa vakazobvuma gore rapera kuti VaSithole raive gamba renyika kunyange hazvo vakambopesana maonero nevamwe vatungamiri munguva yehondo.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mutungamiriri webato rinopikisa reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa neZanu PF hazvina chimiro nekuti yakagara yavarasa kare.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti Zanu PF iri kuita izvi senzira yekutsvaga rutsigiro munguva yesarudzo dziri kuuya idzi.

Studio 7 haina kuwanisa kubata mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, kanawo mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi.

Asi imwe nhengo yeboka revechidiki muZanu PF, VaPeter Matangi, vaudza Studio 7 kuti bato ravo rinoremekedza magamba ese enyika.

VaSithole vbakaberekwa muna Chukunguru 1920 , vakazosarudzwa kutungamira bato reZanu raipikisa hurumende yeRhodesia muna 1963. Vakazobviswa pachigaro ichi muna 1975, vakazoumba bato ravo reZanu-Ndonga.

Pakawana nyika kuzvitonga muna 1980, Vasithole vakambotiza munyika vachiti vaityira hupenyu hwavo vakazodzoka muna 1992.

Vakazosarudzwa kuve nhengop yeparamende yedunhu reChipinge, kunove kumusha kwavo, vachimirira bato ravo reZanu Ndonga.

Vakazoshaya muna2000 vakaradzikwa kupurazi ravo reFreedom Farm riri kuChipinge.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG