Accessibility links

Breaking News

Vagari veKumaruwa Vakawanda Vochemachema neMari Dzavari kuBhadhariswa kuMakiriniki eMakanzuru


Kiriniki yeChirau mudunhu reMashonaland West.
Kiriniki yeChirau mudunhu reMashonaland West.

Vamwe vagari mumatunhu madiki akawanda mudunhu reMashonaland West vanoti vari kutadza kurapwa mumakiriniki emakanzuru nekuda kwekutadza kubhadhara mari yekuchengetedzwa kana yebudiriro dzemakiriniki aya.

Kunyange hazvo donzvo resangano rinoona nezvehutano pasi rose, reWorld Health Organisation -WHO, riri rekuti vanhu vose vakwanise kuwana mikana yekurapwa zvisina dambudziko, vagari ava vanoti vave kutadza kurapwa nekuda kwekuti vanenge vachishaya mari iyo vanoti haifanirwe kuve nechekuita nekurapwa.
Chiri kunyanya kurwadza vagari ava ndechekuti vanofanirwa kurapwa pachena asi mari iyi yavanonzi vabhadhare iri kuvatadzisa kuwana mukana wekurapwa.

Ongororo yakaitwa neStudio 7 inoratidza kuti mari iyi inoshevedzwa nemazita akasiyana zvichienderana nenzvimbo.

Kune dzimwe nzvimbo inobhadharwa iri mari yevanochengetedza makiriniki asi kune dzimwe nzvimbo dzakawanda inenge ichinzi ndeyekuvandudza makiriniki, kana kuti development fee, uye inosiyana huwandu hwayo zvichienderana nenzvimbo.
Mari iyi inofanirwa kubhadharwa munhu achisvika pakiriniki asati arapwa.

Mumwe mudzimai achibva kunotora mapiritsi kukiriniki kwaZvimba.
Mumwe mudzimai achibva kunotora mapiritsi kukiriniki kwaZvimba.

Amai Chenai Chirau vekwaChirau kwaZvimba mumwe wevamwe vasiri kufara nedhora rekuAmerica ravari kubhadhara mwedzi wega wega paChirau clinic.

“Vanoda dhora rimwechete ravanoti ndera gadhi asi munhu anorapwa mwedzi wose kana abhadhara mari iyi”

Amai Chirau vanoti zvekuti vanhu vari kumaruzevha vanorapwa pachena hazvizoshanda nemari yavanomanikidzwa kubhadhara pagedhi rekiriniki iyi.

Izvi zvinotsigirwa naAmai Muchaneta Garanewako vekuHurungwe, avo vanoti vanobhadharawo dhora pamhuri kuti varapwe richinzi ndere budiriro yekiriniki.

Amai Garanewako vanoti madzimai ari kutotadza kunotora mapiritsi ekuronga mhuri nekuda kwemari iyi izvo zvichaita kuti vabate pamuviri pasina kurongwa.

“Madzimai akawanda achabata pamuviri pasina kurongwa nenyaya yekushaya dhora remunhu anochengetedza kiriniki”

Sachigaro wekanzuru yeZvimba, Amai Getrude Chipunza, vanoti kanzuru haina mari yekubhadhara vanochengetedza makiriniki nekudaro vakaronga kuti vagari vabhadhare mari idzi.

Amai Chipunza vanoti vane makiriniki anodarika zana muZvimba yose.

“Kanzuru yakaona kuti haingagone kubhadhara vanochengetedza makiriniki sezvo paine makiriniki anodarika zana muZvimba yose nekudaro takapa mutoro wacho kuvagari”

Amai Chipunza vanoti vane zvichemo pamusoro penyaya iyi vanoona nhengo dzekomiti dziri mumakiriniki aya.

Mukuru anoona nezvirwere zvinotapuriranwa mudunhu reMashonaland West, Dr George Kambondo vanoti izvi zviri kungoitika mumakiriniki emakanzuru chete vachiti havana zvavanogona kuita sezvo akazvimirira.

Tengwe Clinic kuHurungwe ku Mashonaland West
Tengwe Clinic kuHurungwe ku Mashonaland West

Mari idzi dzinonzi dziri kubhadharwawo mune mamwe matunhu makuru anosanganisira Mashonaland Central, Mashonaland East, Manicaland neMidlands semari yevanochengetedza nzvimbo dzinorapiwa.

Asi mumwe mugari weku kuChambara kuManyene VaKingstone Gwerume vanoti zvakanaka sezvo vanamukoti vepakiriniki yavo vainge voramba kushanda manheru vachiti vanenge vasina kuchengetedzwa.

“Vanhu havatevedzerwi mari iyi yakanaka sezvo vana mukoti vanga voramba kushanda manheru vachiti panenge pasina kuchengetedzwa saka takaona zvakanaka kuti tibhadhare mari iyi”

Vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Doctor Henry Madzorera, vanoti zviri kuitika izvi mucherechedzo wekuti hurumende iri kukundikana munyaya dzehutano zvichaita kuti vanhu vafe zvakanyanya.

DR Madzorera vanoti kubhadharwa kwemari dzisiri pamutemo kunokonzera huori sezvaive zvoitika mugore ra2008 apo vano mukoti kumaruwa vainge vobhadharwa kuti vape munhu mushonga kumba.

“Kubhadhara mari dzakadai zvino konzera huori sezvainge zvoitika muna 2008 apo varwere vainge vobhadhara mari kuti varapwe uye votenga mapiritsi kudzimba dzana mukoti”

Asi mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vanoti izvi hazvifanirwe kunge zvichiitika vachiti vachaongorora nyaya yacho zvizere.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti madzimai vachabata pamuviri pasina kurongeka nekuda kwekutadza kuwana mapiritsi ekuronga mhuri, ayo anofanirwa kupihwa pachena, uye vana vakawanda vachafa nezvirwere zvinogona kudziviririka zvakaita semhetamakumbo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG