Accessibility links

Breaking News

Poita Kusajeka Pabasa Riri Kuitwa neMamwe Mapurisa Ari Kusunga veZvitoro kuChinhoyi neNyaya yeMitengo


Paita kusawirirana pamusoro pekufamba kwemamwe mapurisa anenge asina kupfeka nhumbi dzebasa muChinhoyi vachisunga vemabhizimisi vanenge vasina kuisa mitengo pazvinhu zvavanenge vachitengesa pamwe nekusaratidza chikero kana kuti rate yavari kushandisa. Nunurai Jena anotipa nyaya inotevera…

Mapurisa aya akatanga kufamba svondo rapera neChishanu vaine vamwe vanhu vaizviti vashandi vebazi rinoona nezvekutengwa kwezvinhu kana kuti Consumer Council of Zimbabwe vachisunga vezvitoro vavanoti vari kutyora mutemo panyaya yemitengo.

Vaisungwa vainzi vanobhadhara madhora makumi matatu ekuAmerica kukamba yemapurisa.
Mumwe akasungwa ndiMuzvare Getrude Nhokwara vanotengesa hembe.

Muzvare Nhokwara vanoti chinoshamisa ndechekuti hapana anga akapfeka hembe dzechipurisa pavanhu vana vakapinda muchitoro chavo.

Mumwe anotengesa zvekuvakisa akamanikidzwa kuisa chiratidzo chemutengo waari kushandisa ndiVaClifford Takura vanoti vanoongorora kukwidzwa kwemitengo vanofanirwa kuenda kwavanohodha zvinhu kwete kuvashungurudza.


Asi mumwe mutengi Muzvare Linet Gwanzura vanoti mitengo inofanirwa kuratidzwa kuti vazive kuti mari yavo inokwana here vasati vaenda panobhadharwa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nekambani yeAbca Finance VaHope Chinyasa vanoti kumanikidza vanotengesa zvinhu kuti varatidze mutengo kungopedzera hook padehwe retsindi. VaChinyasa vanoti chine basa kuti vanhu vavimbe nemari yavo.

VaChinyasa vanoti ongororo yavakaita inoratidza kuti vemabhizinisi vave kumberi kare sezvo vanongoti michini yavo yakafa zvinomanikidza mutengi kutenga nemari yekuAmerica.

Patabvunza mapurisa kuti chirongwa chipi chiri kuitwa sezvo vamwe vanga vachiti vave kubhadhariswa mari yechiokomuhomwe kuti vasaendeswe, mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vati hapana chirongwa chakadaro chiri kuitwa vachiti titaure nemutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West Insp Margaret Chitove.

Insp Margaret Chitove vatiwo havasati vave kuzivawo nezvekufamba kwemapurisa aya muChinhoyi.


Mushandi weConsumer Council asina kuda kuzivikanwa nezita sezvo asingabvumirwe kutaura nevatori venhau anoti havana chirongwa chakadaro munyika.

Hurumende yakagadza komiti yemakurukota matatu inotungamirwa negurukota rezvema indasitiri Amai Sekai Nzenza kuti iwongorore kukwira kwavanoti kusina mwero kuri kuita mitengo munyika.

Asi kusvika parizvino komiti iyi haisati vazivisa zvavati vawana muongororo yavari kuita.

Hatina kukwanisa kubata Amai Nzenza sezvo nharembozha yavo yanga isingadavirwe uye mutevedzeri wavo VaRahj Modi vanga vasati vapindura mibvunzo yavanga vati tivatumire padandemutande ravo reWhatsApp.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG