Accessibility links

Breaking News

Hutsi Kubva kuCanada Hwokanganisa America


Zvikoro zvemumatunhu ari kumabuda zuva kweAmerica kana kuti East Coast zvambomira kuburitsa vana panze, uye zviri kubvumidza ndege shoma kubhururuka sezvo mudenga makazara hutsi zvichitevera kubvira kuri kuita masango muCanada.

Hutsi huri kubva kuCanada uhu hwapa kuti vakuru vematunhu akaita seVermont, South Carolina nekumawirira kwakaita sekuOhio neKansas vayambire vanhu zvikuru vana, vakwegura uye vanezvirwere zvekutadza kufema kuti vagare mumba.

Vachinyora padandemutande ravo reTwitter, mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vati vanhu vanofanira kuteerera zviri kutaurwa nenyanzvi.

Mitambo yeBaseball neimwe kuBroadway yakanganiswawo nehutsi uhu kunyanya muNew York umo denga rose rakazara hutsi nemadota

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG