Accessibility links

Breaking News

VaPence Voshora VaTrump Apo Vokwikwidzana Navo Musarudzo dzeBato Ravo Dzekutungamira Nyika


VaMike Pence
VaMike Pence

Vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeAmerica VaMike Pence nezuro vakazivisa zviri pamutemo kuti vainge vapinda musarudzo dzebato ravo remaRepublicans dzekutsvaga acharimirira musarudzo dzemutungamiri wenyika gore rinouya.

Vachitaura mudunhu reIowa, VaPence vakashora vaimbova mutungamiri wenyika VaDonald Trump vari kukwikiwidzawo musarudzo dzemaprimary idzi vachiti havafanire kuvhoterwa sezvo vachida kuzviita sevari pamusoro pemutemo.
Mumwe akapindawo musarudzo idzi ndiVaChris Christie avo vaimbova gavhuna wedunhu reNew Jersey.

VaChris Christie
VaChris Christie

Vamwe vakatozivisa kuti vari kupinda musarudzo kusanganisira vaimbova mutungamiri wenyika VaDonald Trump, gavhuna weFlorida VaRon Desantis,

VaTrump naVaRon DeSantis
VaTrump naVaRon DeSantis

Amai Nikki Haley, VaRyan Binkley, VaLarry Elder, VaAsa Hutchinson, VaPerry Johnson, VaTim Scott naVaVivek Ramaswamy.

Amai Nikki Haley naVaTim Scott
Amai Nikki Haley naVaTim Scott

Anokunda musarudzo idzi anotarisirwa kukwikwidzana naVaJoe Biden vebato remaDemocrats musarudzo dziri kuitwa muna mbudzi gore rinouya

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG