Accessibility links

Breaking News

Mauto Makumi Mashanu neMana (54) eUganda Ourayiwa neAl Shabab


Mauto emuUganda makumi mashanu nevana vanonzi vakafa mushure mekunge kamba yavo yarwisa nechikwata chinopfurikidza mwero cheAl Shabab muSomalia.

Mutauriri wemauto eUganda Brigadier General Felix Kulaigye vati mamwe mauto mana akapona mukurwiswa uku akahwanda kwemazuva matanhatu pakamba iyi asati abatsirwa.

Mutungamiri wenyika yeUganda VaYoweri Museveni vachinyora padandemutande reTwitter vakashora vamwe vakuru vemauto nedanho ravakatora rekuti vadududze zvakapa kuti vazourayiwe.

Muvhidhiyo yakaburitswa nemusi weMuvhuro, mutungamiri weShabab, Ahmed Umar Abu Ubaidah anobuda achituma mauto ake kunorwisa mauto eUganda aya.

Uganda iri pakati penyika dzemuAfrica dzine mauto ari kubatsira Somalia kurwisa Al Shabaab.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG