Accessibility links

Breaking News

VeChidiki neMadzimai Vonyunyuta Nekushaiswa Zvigaro Mushure Mekunge VaMnangagwa Vatara Zuva reSarudzo Mutemo Usina Kuvandudzwa


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Zvichitevera kutarwa kwezuva resarudzo nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa svondo rapera, vechidiki vakawanda muZimbabwe vanoti kutadza kupasiswa mudare reparamende, kwemitemo ine chekuita nesarudzo, kuchaita kuti vechidiki vakawanda, uyewo madzimai, vasakwanisa kupinda musarudzo idzi zvine mutsindo.

Bumbiro remitemo renyika rinoti hakuna mutemo une chekuita nesarudzo, ungapasiswa nedare reparamende ugokwanisa kushandiswa musarudzo, mushure mekunge zuva richaitwa sarudzo ratarwa nemutungamiri wenyika.

Vakasanobata chigaro chemutauriri wevechidiki mubato reCitizens Coalition for Change, VaStephen Tshuma, vanoti izvi zvichakanganisa vechidiki vakawanda musarudzo dziri kuuya. Vati, “Pane mitemo yakafanana neElectoral Amendment Bill iyo yanga ichinzi inofanira kufambidzana nebumbiro remitemo, kuti vechidiki vanokwana gumi vakwanise kunge vachiwana zvigaro mudare reparamende.” Vaenderera mberi vachiti, “Kutaura kuno, nyanzvi dzezvemitemo dziri kuti izvi zvichanetsa nekuti zvinhu izvi hazvina kunge zvaiswa muElectoral Act. Naizvozvo zvinonyanya kubata vechidiki nekuvadzosera kumashure munyaya dzekumiririra vanhu musarudzo.”

Asi mutevedzeri wemunyori anoona nezvenyaya dzemitemo muchikamu chevechidiki vemubato reZanu PF mudunhu reBulawayo, Muzvare Nyarie Bechani anopokana nemuono waVaTshuma uyu. Muzvare Bechani vati, “Handioni sekuti kusavapo kwemimwe mitemo kunokanganisa vechidiki kukwikwidza musarudzo zvakanaka.” Vatiwo, “Political environment yakasununguka zvakanyanyisa kune vechidiki nemadzimai kuti vapinde mune zvematongerwo enyika. Isu takaita sarudzo dzedu sebato, uye tine vechidiki vashanu vemudunhu redu vachanokwikwidza kuita vamiriri veparamende, kuchitiwo vana vanoda kuita makanzura. Mutemo mutsva wePatriotic Bill wakanakawo nokuti unodzidzisa kuremekedza nyika yedu sezvinodiwa nemutungamiri wenyika.”

Mukuru wesangano rinowongorora nyaya dzesarudzo reZimbabwe Election Advocacy Trust, VaIgnatious Sadziwa, vanoti pane zvimhingamupinyi zvakawanda zvinowira vechidiki nemadzimai vanoda kukwikwidza mune zvematongerwo enyika. VaSadziwe vati, “Munozviziva kuti sarudzo inonyanya kukoshesa nyaya dzehomwe, saka tinoona kuti vechidiki nemadzimai vanogona kukurirwa pahomwe apo nekuti havazowani zvikwanisiro zvinoita kuti vawane mikana inowanikwa nevanhurume.” Vaenderera mberi vachiti, “Saka kuuya kwanga kuchiita mutemo weElectoral Amendment Bill, waida kuti ugadzirise nyaya idzodzi kuitira kuti mikana ivhurikewo kune vechidiki nemadzimai akati wandei.”

Wechidiki anowongorora nyaya dzematongerwo enyika, uyewo achishanda nesangano raanachipangamazano munyaya dzemitemo ine chekuita nevanhu, reZimbabwe Democracy Institute, VaStanford Nyatsanza, vanoti vechidiki vadzoserwa kumashure panyaya dzekupindawo mune zvematongerwo enyika. Vati, “Mutemo weElectoral Amendment Bill wanga wauya nenyaya yakanaka yekuti vachidiki vapindewo mune zvematongerwo enyika zvakadzama.” Vatiwo, “Asi kutarwa kwezuva resarudzo Bill iri risati rava mutemo kunoreva kuti kupinda musarudzo kwevechidiki kwatokanganisika zvikuru.” Vatizve, “Zvinotishungurudza isu sevechidiki kuti hatichakwanisi kuwana mukana wekupinda muparamende kuti tinoitawo zvematongerwo enyika.”

Asi kune mamwe masangano anowongorora sarudzo munyika anoti kunyange zuva resarudzo rakatarwa, zvinogoneka kuti mitemo inopasiswa nedare reparamende sarudzo dzisati dzaitwa, ive nesimba pasarudzo dzimwedzo.

Asi munyori webazi rezvemitemo, Muzvare Virginia Mabhiza, vanoti hakuchina mumwe mutemo uchava nesimba pasarudzo, kunze kweiyo iripo nechekare. Vati, “Bumbiro redu remitemo rakajeka kuti kana pakaita mumwe mutemo unopasiswa nedare reparamende mushure mekunge mutungamiri wenyika vatara zuva resarudzo, mutemo iwyo haushandi.” Vatiwo, “Zviripo ndezvekuti, pane here mutemo mutsva unopokana nebumbiro remitemo, wavakuda kuiswa muElectoral Act? Kana uripo, unenge usingashandi. Asi kana uri mutemo wagara uchibvumidzwa nebumbiro remitemo, hapana chinochinja.”

Kutaura kwaMuzvare Mabhiza kunoreva kuti zvigaro gumi zvemudare reparamende zvanga zvakavimbiswa vechidiki nemutemo weElectoral Amendment Bill, zvekare zvinotemerwa nebumbiro remitemo, uyewo zvigaro makumi matanhatu, zvemadzimai zvavakawaniswa pamutemo mugore ra2013, vanenge vasingachazviwani.

Vamwe vanowongorora nyaya dzesarudzo vanoti pane kuvandudza mutemo wavanoti wehudzvanyiriri, weCriminal Law (Codification and Reform), unozivikanwa neveruzhinji nekunzi Patriot Bill, kwaifanira kupasiswa weElectoral Amendment Bill, uyo wavanoti unosimudzirawo vechidiki nemadzimai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG