Accessibility links

Breaking News

Dhora reMunyika Roramba Richiita Mutserendende Kushaya Simba Zvokanganisa Hupfumi hweNyika


Dhora remunyika riri kuramba richishaya simba.
Dhora remunyika riri kuramba richishaya simba.

Apo dhora remunyika riri kuramba richidonha huremu nekuda kwekushaya simba kana richienzaniswa nedhora rekuAmerica, dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dziri kukurudzira hurumende kuti isiyane netsika yayajaira yekuita zano ndega pakudzika mitemo yainoti yakanangana nekudzikamisa huremu hwedhora remunyika pamwe nemitengo yezvinhu.

Dhora remunyika radonha zvakanyanya pamusika wemari yekunze weReserve Bank of Zimbabwe zvekusvika pamadhora emunyika zviuru zvitatu nemazana matanhatu ane makumi manomwe nematatu, kana kuti ZWL$3,673.00 padhora rimwe chete rekuAmerica.

Pamusika mutema dhora rekuAmerica rinonzi ranga riri kutengwa nemadhora emunyika ari pakati pezviuru zvitanhatu nemazana mashanu kuenda kumadhora emunyika zviuru zvinomwe kana kudarika.

Dhora remuyika nedhora rekuAmerica.
Dhora remuyika nedhora rekuAmerica.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfery Kanyenze, vanoti chinhu chasvitsa zvinhu pazvave nhasi inyaya yekuti hurumende iri kuramba ichiita humbimbindoga nguva dzose.

"Hurumende iri pakaoma chaizvo pekutiuku mutengo uri kukwira zvakanyanyisisa zvekuti inofanirwa kunge ichitove nehurongwa hwekuti kukwira kwezvinhu kunge kuchiderera,"

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi, Professor Gift Mugano, vanotiwo, zvinhu zvave kuratidza kuti zvawondomoka zvekuti havaone musika wemari yekunze webhanga guru renyika uchirarama.

"Auction system iyi yaakuenda kwaMupfikanebwe nekuti minister of finance vakati mari yakuzotengeswa pamusika wemari we auction yave 5 million pavhiki. Zvinoreva kuti tinenge tichipa makambani $260 million ivo vachida 8 billion pagore."

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, Muzvare Chenai Mutambasere, vanotiwo kupera simba kuri kuramba kuchiita dhora remunyika kuri kukuvadza veruzhinji nekuti mitengo yezvinhu iri kubva yakwirawo zvakanyanya.

Saka poitwa sei kuti dambudziko iri rigadzirisike? Doctor Kanyenze vanoti panofanirwa kuitwa musangano weTripartite Negotiating Forum (TNF) wechimbichimbi unounganidza hurumende, vemabhizimusi pamwe nevashandi kuti vatsvage nzira dzinogadzirisa dambudziko vari pamwechete.

Muzvare Mutambasere vanotsinhirawo vachiti kuti zvinhu zvigadzirisike, panofanirwa kuve nemari imwechete inoshandiswa munyika, zvikuru dhora rekuAmerica nekuti rakagadzikana, kwete zvekuti nyika ishandise mari dzakawanda, zvavanoti zvaratidza kuti hazvishande.

Dhora rekuAmerica riri kuramba richiwedzera simba padhora remunyika.
Dhora rekuAmerica riri kuramba richiwedzera simba padhora remunyika.

Mumasvondo adarika hurumende yatora matanho akawanda ayinoti ndeekugadzirisa hupfumi anosanganisira kuumba komiti yemakurukota yakanzi iongorore kuti chii chiri kukonzera kukwira kwemitengo yezvinhu pamwe nekushaya simba kwedhora remunyika.

Mamwe matanho ndeekubvumidza vanhu kupnza munyika zvishandiswa nezvidyiwa kubva kunze kwemwedzi mitanhatu vasingabhadhare mitero. A

si nyanzvi mune zvehupfumi dzakawanda dzinonopomera hurumende mhosva yekukanganisa kufambiswa kwemari nekuda kwekudira madhora emunyika akawanda pamisiki yemari kuburikidza nekubhadhara vanoiitira mabasa, avo vanozoenda kumusika mutema vachitsvaga mari yekunze ine huremu.

Chimwe chikonzero chinonzi chiri kuwedzerwa dambudziko kutengeswa kwemari yekunze shoma pamusika weR-B-Z, izvo zvinonzi zviri kuzomanikidza vezvitoro kunotsvaga dhora rekuAmerica pamusika mutema, zvinozoitawo kuti vakwidze mitengo yezvavanotengesa.

Kusvika izvi zvakagadziriswa, zvinhu zvinonzi zvicharamba zvichiita sejuzu raTizirai, rinoti uku riri kurukwa, uku riri kududuunurwa, kana kuramba zvakaremera kumusoro setsvimbo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG