Accessibility links

Breaking News

Dare reSenate Rotarisirwa Nhasi Kuzeya Mutemo we"Patriotic Bill" Wakonzera Mutauro Pasi Rose


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Dare reSeneti nhasi riri kutarisirwa kuzeya bhiri rekuvandudza mutemo we Criminal Law (Codification and Reform) Amendment Bill muchiiswa mitemo iri kunzi nemadunhurirwa “Patriotic Bill”.

Mitemo iyi yakanangana nekutongera mujeri kugara kwemakore makumi maviri kana kuti kutongerwa rufu kwevanonzi vanenge vachisvibiza zita renyika nekuti itemerwe zvirango. Bhiri iri rakatodarika dare reHouse of Assembly uye rasara kutambirwa nedare reSenate risati rasainwa kuva mutemo nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Asi mutemo uyu waunza gakava munyika vamwe vachiti unotyora bumbiro remitemo uye wakanangana nekumbunyikidza vanopikisa. Asi hurumende inoti wakanangana nekuchengetedza zvido zvenyika.

Gweta vachiongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vakarerekera kudivi reZanu-PF VaMasimba Mavaza vati mutemo uyu hauna kuipa sezvo uchipa kutyi vanhu vade nyika yavo.

Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vati mutemo uyu unombunyikidza vanhu uchipa kuti vasashoropodza hurumende kunyangwe ikakanganisa.

Mutemo uyu unonzi nenyanzvi uchapa kuti kudyidzana kweZimbabwe nenyika dzakaita seAmerica nedziri muEU dziri kukurudzira hutongo hwejekerere kunetse sezvo uchionekwa neunodzvinyirira vanhu. Nyika idzi dzakatemera vamwe vatungamiri venyika zvirango dzichivapomera mhosva yekutonga nedemo. Asi hurumende inoti yakatemera zvirango nekuti yakatora minda kubva kuvachena ichioa vatema.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG