Accessibility links

Breaking News

Muzvinafundo Hanke Vanoti Zimbabwe Yasara neMazuva Mashoma Kuti Mitengo Itange Kukwira Kana Kaviri paZuva


Steve Hanke
Steve Hanke

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi ine mukurumbira pasi rose Muzvinafundo Steve Hanke vanova mukuru wesangano rinoona nezvemari kana kuti Troubled Currencies Project vanoti Zimbabwe mumazuva mashoma anotevera Zimbabwe inenge yadzokera paye pekuti mitengo yezvinhu inogona kukwira kana kaviri pazuva rimwe chete kana kuti “hyperinflation.”

Zimbabwe yakamboita dambudziko rehyperinflation kubva muna Kurume 2007 kusvika muna 2009 pakazomira kushandiswa dhora remunyika.

Mumakore makumi maviri adarika nyika nhatu chete Bulgaria, Zimbabwe neVenezuela ndidzo dzine hupfumi hwakapinda hyperinflation. Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kupomera vamwe vemabhizimisi mhosva yekuita nhafu nekudhurisa zvinhu.

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube uye gavhuna weRBZ Doctor John Mangudta vanotiwo vari kutora matanho kuyedza kudzikamisa dhora remunyika. Asi vemabhizimisi vanoti kushaya simba kwedhora remunyika ndiko kwapa kuti mitengo yezvinhu irambe ichiita chamurambamhuru.

Kuratidza kuti zvinhu zvaita mhidigari, vashandi vakawanda kusanganisira vehurumende vatanga kuramwa mabsa vachiti vave kutambira mutero wembwa. Munyaya dzezvehupfumi Doctor Prosper Chitambara vati kana pachitariswa mari yemunyika, Zimbabwe yatosvika muhyperinflation.

Asi vati sezvo chikero cheZimbabwe pamitemngo yezvinhu chivhishandisa mari yemunyika neyemadhora ekuAmerica zvinonetsa kuziva kuti mitengo yasvika papi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG