Accessibility links

Breaking News

Vasori veCIO Vachihwanda neFAZ Vopomerwa Mhosva Yekupindira Munyaya dzeSarudzo Kuti VaMnangagwa Vakunde


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Bepanhau repadandemutande reInternet reNewshawks rine nyaya yekuti sangano rinonzi riri kudyidzana nevasori rinonzi Forever Associates Zimbabwe kana kuti FAZ ndiro rave kushandiswa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kusvaga rutsigiro musarudzo kwete mauto semakore adarika.

Mauto anonzi anoonekwa seanodyidzana nemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa. Tsvakiridzo yakaitwa nebepanhau iri nesangano reInformation for Development Trust inoratidza kuti vanhu vari kushanda neFAZ vanoda kusvika zviuru zviri vatatu muward yega yega vari kupihwa mari inoda kusvika mamiriyoni kaviri isiri mubhajeti yehurumende.

Sangano iri rinonzi kusvika parizvino rapihwa mari inosvika mamiriyoni gumi ekuAmerica nemotokari dzinosvika mazana maviri.

FAZ inonzi inotungamirwa nemumwe mutevedzeri wemukuru wesangano revasori kana kuti CIO Deputy Director General Retired Brigadier General Walter Tapfumaneyi. Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vari kuchema chema nenyaya yemashandiro echikwata ichi.

Bato iri rakatonyora kuZEC richigunun’una kuti FAZ yange ichienda kwange kuchiongororwa gwaro revavhoti nevanhu kuti mazita avo arimo here ichonyora vanhu mazita nekuvabvunza nezvimwe zvine chekuita nehupenyu hwavo. Mutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba uye VaTapfumaneyi asi vange vasiri kudaira nharembozha dzavo. Asi vanozviti sachigaro weFAZ VaKudakwashe Mavula Munsaka avo varamba kuti vanoshanda nevasori.

Asi mukuru weZimbawe Democracy Institute Doctor Pedzisayi Ruhanya vati zviri pachena kuti sangano iri riri kushanda nevasori sezvo VaMnangagwa vari kuziva kuti pasina kuita izvi vanogona kukundwa musarudzo.

Bepanhau repadandemutande reInternet reNewshawks rine nyaya yekuti sangano rinonzi riri kudyidzana nevasori rinonzi Forever Associates Zimbabwe kana kuti FAZ ndiro rave kushandiswa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kusvaga rutsigiro musarudzo kwete mauto semakore adarika. Mauto anonzi anoonekwa seanodyidzana nemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

svakiridzo yakaitwa nebepanhau iri nesangano reInformation for Development Trust inoratidza kuti vanhu vari kushanda neFAZ vanoda kusvika zviuru zviri vatatu muward yega yega vari kupihwa mari inoda kusvika mamiriyoni kaviri isiri mubhajeti yehurumende. Sangano iri rinonzi kusvika parizvino rapihwa mari inosvika mamiriyoni gumi ekuAmerica nemotokari dzinosvika mazana maviri.

FAZ inonzi inotungamirwa nemumwe mutevedzeri wemukuru wesangano revasori kana kuti CIO Deputy Director General Retired Brigadier General Walter Tapfumaneyi. Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vari kuchema chema nenyaya yemashandiro echikwata ichi.

Bato iri rakatonyora kuZEC richigunun’una kuti FAZ yange ichienda kwange kuchiongororwa gwaro revavhoti nevanhu kuti mazita avo arimo here ichonyora vanhu mazita nekuvabvunza nezvimwe zvine chekuita nehupenyu hwavo. Mutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba uye VaTapfumaneyi asi vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Asi vanozviti sachigaro weFAZ VaKudakwashe Mavula Munsaka avo varamba kuti vanoshanda nevasori.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachipawo pfungwa dzavo, weZimbawe Democracy Institute Doctor Pedzisayi Ruhanya vati zviri pachena kuti sangano iri riri kushanda nevasori sezvo VaMnangagwa vari kuziva kuti pasina kuita izvi vanogona kukundwa musarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG