Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yodhingura Magetsi eZPC Kariba


Dynamos FC
Dynamos FC

Murairidzi weDynamos Hebert Maruwa apunyuka murutsva asi kwechinguvana mushure mekukunda mumutambo wake wekutanga yemiviri iyo atemerwa kunzi atore mapoinzi ese matanhatu kana kuti anosiiswa basa.

Maruwa ambochengetedza basa rake mushure mekunge Dynamos yarova ZPC Kariba 3-0 muNational Sports Stadium nhasi masikati. Vanwisa zvibodzwa zveDynamos ndi , Donald “Kante” Mudadi anwisa ziviri naChakona anwisa chekutanga.

Mutsigiri weDynamos VaTedius Bhunu vanoti nyika yese iri kufara nekukunda kwavaita nhasi. Asi basa raMaruwa richiri patambo akasatora mapoinzi ese matatu pamutambo wake unotevera neBlack Rhinos iyo airairidza mwaka wapera.

Achinzvenga kutaura nezveDynamos, murairidzi weBlack Rhinos Saul Chaminuka anoti ino yave nguva yekufadza vatsigiri vavo nekusimuka pavari apa.

Asi nyaya ndeye Highlanders iyo yadzokera pamusoro petafura yePSL mushure mekurova Bulawayo Chiefs 1-0.

Bosso iyo yaive yatorerwa hutungamiri neNgezi svondo rapera yave nemapoinzi makumi maviri, poindi imwechete pamusoro peFC Platinum iyo yarova Greenfuel 1-0 muGibbo Stadium.

Manica Diamonds yarambawo kusarirawo mushure mekushanya nekunorova Hwange 1-0 kuColliery ndokupinda pachinzvimbo chechina nemapoinzi gumi nemapfumbamwe.

Ngezi Platinum Stars iyo iri pachinzvimbo chechitatu nemapoinzi makumi maviri irikutamba mangwana neYadah muNational Sports Stadium.

Murairidzi weYadah Expense Chitukutu ari kukumbira vatsigiri vechikwata chake kuti vauye nehuwandu wavo kuzovaona vachikuudza.

Ngezi inodzokera pamusoro pegungano iri ikakunda mumutambo neYadah uyu mangwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG