Accessibility links

Breaking News

Bato reCCC Rinopeta Hurongwa hweKushara Nhengo Dzicharimirira muSarudzo dzeMakanzuru neParamende muBulawayo


Nhengo dzeCCC
Nhengo dzeCCC

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, CCC, rinoti rapedza hurongwa hwaro hwekutsvaga nhengo dzichakwikwidza dzakarimirira mudunhu reBulawayo musarudzo dziri kuitwa gore rino.

Vakafanobata chigaro chemunyori anoona nezvekurongwa kwemisangano muCCC, VaAmos Chibaya, vanoti musangano waitwa neMugovera uyu wapa mukana kune vari kuda kukwikwidza musarudzo dzemakanzuru neparamende kuti vazvishambadze kuvanhu vachavavhotera, uyewo kuti nhengo dzebato dzisarudze vadzinofunga kuti vakakodzera kumirira bato musarudzo gore rino.

Asi VaChibaya vanoti bato ravo harisati rave kuzivisa kuti ndavanaani vabudirira kusarudzwa mudunhu reBulawayo, uye kuti rave kuzoendawo kumatunhu api.

Vatiwo CCC iri kuenda kumatare edzimhosva svondo rinouya ichikwirira ZEC nenyaya yekukanganiswa kwegwaro revavhoti zvichitevera kushaikwa kwemamwe mazita evanhu vakawanda magwaro vari kutarisira kuvhota gore rino mugwaro iri.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakazivisa kuti sarudzo dzegore rino dzichaitwa musi wa23 Nyamavhuvhu, uye kana pasina akunda dzokororo kana kuti re-run inozoitwa musi wa 02 Gumiguru.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG