Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi Vepa UZ Vekusungwa Vachipomerwa Mhosva yeKunyora Zvidziro muHarare Votarisana neKutadza Kunyora Bvunzo Dzavo


Vadzidzi vepaUZ negweta ravo VaDarlington Marange vari mudare.
Vadzidzi vepaUZ negweta ravo VaDarlington Marange vari mudare.

Vadzidzi vashanu vepaUniversity of Zimbabwe, avo vari muhusungwa vachipomerwa mhosva yekunyora nyora madziro ezvivakwa zvehurumende muHarare, vangangopotsa kunyora bvunzo dzavo, idzo dziri kutanga nemusi weMuvhuro, zuva ravanenge vari kumatare edzimhosva.

Izvo zvinotevera danho rekuti chikumbiro chavo chekutongwa vachibva kumba chiri kupikiswa nevachuchisi.

Vadzidzi ava, avo vanoti Emmanuel Sitima (24), Comfort Ncekuyenkosi Mpofu (22), Tawanda Benjamin Watadza (24) Lionel Andrew Madamombe (24)na Darlington Chigwena (21) vave nemazuva gumi nemapfumbamwe vari mutirongo, uye vanzi vadzoke zvekare kumatare edzimhosva nemusi weMuvhuro unouya kuti vanzwe kana chikumbiro chavo chekuti vatongwe vachibva kumba chatambirwa.

Vadzidzi vepaUZ vachibuda mudare.
Vadzidzi vepaUZ vachibuda mudare.

Vadzidzi vepachikoro chepamusorosoro ichi vari kupomerwa mhosva yekuratidzira kwavakaita musi wa 15 mwedzi wadarika, kubudikidza nekunyora madziro edare reparamende nezvimwe zvivakwa zvehurumende mashoko ekuti mutevedzeri wasachigaro vebato rinopikisa reTriple C, VaJob Sikhala, avo vari muhusungwa, vanofanira kusunungurwa.

Kunzwika kwechikumbiro chekuti vatongwe vachibva kumba kwazogumira panzira nhasi mushure mekunge mutongi wemudare ramejasitiriti arwara dare riri pakati, nyaya ichibva yanzi idzoke mudare nemusi weMuvhuro unouya.

Asi izvi zvinogona kureva kuti vadzidzi vashanu ava vangangotadza kunyora bvunzo dzavo, sezvo bvunzo idzi dziri kutangawo musi weMuvhuro wavari kutarisirwa kunge vari mudare zvakare.

Gweta revadzidzi ava, VaDarlington Marange, vati vane matanho avatora kuti vadzidzi ava vakwanise kunyora mazamanishoni avo.

Gweta VaDarlington Marange
Gweta VaDarlington Marange

“Vadzidzi ava vanogona kupotsa kunyora mazamanishoni avo nekuti musi waari kutanga, ndiro zuva ravanzi vauye kuno kudare redzimhosva.

"Asi semagweta avo takanyora tsamba kuZimbabwe Prisons and Correctional Services tichikumbira kuti vakwanise kunyora bvunzo dzavo vari mutirongo, vakati zvinokwanisika. Tanyorazve imwe tsamba tikaendesa kuUniversity of Zimbabwe, tichikumbira kuti vakomana ava vawaniswe bvunzo dzavo kujeri, asi uku hatisati tawana mhinduro. Tiri kumhanyamhanya kuti zviite.”

Mukuru wesangano rinomirira vadzidzi vepaUniversity of Zimbabwe, reStudent Representative Council, VaAllan Chipoyi, vanoti kubva kuhurukuro dzavakaita nevakuru vechikoro ichi, pane chivimbo chekuti vadzidzi ava vachakwanisa kunyora bvunzo dzavo.

“Munyori mukuru weSRC, Munashe Masiyiwa, akamhanya akataura nevakuru kuti vakasungwa ava vagone kunyora bvunzo dzvavo vachibva kutirongo. Zvakaita sekuti izvi zvakabvumidzwa, nekuti ikodzero dzavo kunge vange vachinyora mazamanishoni avo, sezvo vasati vabatwa nemhosva, asi vachingori vapomerwi. Isuwo taitarisira kuti vanogona kupiwa bail, asi takavaendesera mabhuku echikoro ekuverenga vari kujeri ikoko, netarisiro yekuti vanogona kunyimwa bail sezvaitika izvi.”

Mutungamiri weUZ SRC VaAllan Chipoyi
Mutungamiri weUZ SRC VaAllan Chipoyi

VaChipoyi vawedzera vakati kuti vadzidzi ava vakasabvumidzwa kunyora bvunzo dzavo zvingangokanganisa kubuda kwavo nezvibodzwa zvinonwisa mvura.

“Zviri pachena kuti vana vatokanganiswa mukubuda kwavo mumaExams avachanyora nekuti mazuva ese avagara vari mutirongo vasina mhosva yavakapara, mazuva ekuti dai vakanga vari pamwechete nevamwe vachidzidza, zvinokwanisa kunge zvakavabatsirawo kuzobuda nemaMarks akanaka.”

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumukuru anoona nezvevadzidzi pachikoro cheU.Z, VaMunyaradzi Madambi, kana mutevedzeri wavo, sezvo vanga vasiri kudavira mbozhanhare dzavo.

Asi mutauriri werimwe sangano rinomirira vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro-soro, reZimbabwe National Students Union (ZINASU), VaLenon Mazuru, vanoti kuramba kuchisundirwa mberi kwemazuva ekunzwikwa kwenyaya yechikumbiro chekuti vatongwe vachibva kumba, kunoratidza kuti matare ari kuda kuti vashanu ava vayawurire mujeri.

“Semaonero amaita panga pachiitwa nyaya, zvokwadi havana kana humbowo pavakomana vedu ava. Izvi zvasakisawo kuti magistrate anzi arwara, nekuti havasi kungoda kuti vakomana vedu vabude. Nekudawo kwemazamanishoni arikutanga nemuvhuro, vari kungoda kuti vakomana varambe vari mukati.”

VaLenon Mazuru veZimbabwe National Students Union
VaLenon Mazuru veZimbabwe National Students Union

Kunyange mutauriri wemajeri eZimbabwe Prisons and Correctional Services, Muzvare Meya Khanyezi, vanga vavimbisa Studio 7 kuti vachatipa divi ravo pamamiriro akaita nyaya yevadzidzi ava, havana kuzozadzisa vimbiso yavo.

Imwe nyanzvi munyaya dzevechidiki isina kuda kudomwa nezita rayo, yati vadzidzi vepa U.Z ava, vane kodzero yekuwaniswa mukana wekunyora bvunzoi dzavo.

“Vanofanira kuwana nguva yekunyora bvunzo dzavo, ndiko kuti titi kodzero dzavo dzaremekedzwa, hadzina kumbunyikidzwa. Takatarisa vemajeri, vanoitawo basa rekuvandudza hupenyu hwevavanenge vakachengetedza, naizvozvo vakawanisa vadzidzi ava kodzero yekunyora, vanenge varemekedza mhiko yebasa ravo.”

Magweta evadzidzi vepa U.Z ava, anoti ane tarisiro yekuti vhiki rinouya, vadzidzi ava vachabvumidzwa kutongwa vachibva kumba, kana vanamuchuchisi vakaitawo basa ravo nemazvo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG